Yvonne Chidochashe Manyanja
MUMWE mukadzi anoti ari kuoneswa ndondo nemuvakidzani wake uyo anomudira tsvina yemunhu kumeso uye kana pamba pake pakauya vaenzi vanotukwa vachinzi havafanire kumushanyira nekuti imbwa yemunhu.Vimbiso Munodawafa akamhan’arira muvakidzani wake, Emerenziana Masuwa, kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.
“Ndauyawo pamberi pedare nekuti ndanzwa nekushungurudzwa naamai ava. Vanonditi ndinoshandisa mushonga kugara pamba patezvara vangu kwenguva yakareba. Hatisisina mufaro nekuti pose patinomuka vanenge vakatigaririra pamusiwo vakatarisa mumba medu.
“Tinenge takangodzvokorwa zvekuti tinotya zvisingaiti. Vanotituka vachititi tiri imbwa dzevanhu uye ivo vari nani vanoburitsa mari vachibhadhara pavanoroja pane ini ndinorarama nemba yatezvara vangu,” akadaro Munodawafa.
Anoti rimwe zuva Masuwa akatema mwana wake nedombo akakuvara. “Vakabva vandidira tsvina yemunhu saka ndati handichazvikwanisa zvekuswera ndichishungurudzwa kudai. Pandakati ndiende kumapurisa vakabva vanditi vanozivana nemapurisa ekuGlen Norah uko tinogara nekuti vanoita zvemusangano saka hapana chavanoitwa,” akadaro.
Akati Masuwa ane katsika kekusvipira mate nhumbi dzemurume wake dzaanange ageza padzinenge dzakayanikwa.
“Ishe, pane zvandataura zvimwe zviri kuitwa nemukadzi uyu zvinotondityisa. Rimwe zuva akatora mbiya akabva aidira mvura yaakaisa mukanwa achibva asvipira pambatya chena dzemurume wangu dzandakanga ndawacha dzichibva dzachinja ruvara rwadzo.
“Vaenzi vakauya kumba kwangu vanotanga kuvatuka vachiti vanhu rudzii vanoshanyira imbwa dzakadai uye vanoti kana vechechi vauya vanoti uku kupedza nguva kuswera vachinamata nemaSatanist. Ndakazoisa jurahoro ndaona kuti ndatambura asi hapana chakashanduka,” akadaro Munodawafa.
Masuwa akapokana nezvose zvakataurwa naMunodawafa achiti vainonetsana nekuda kwemuchero wemusawu uyo wakaganhura dzimba dzavo.
“Amai ava vanonyatsoziva havo mumoyo mavo kuti vari kundinyepera. Hapana kana musi mumwe chete wandakavatadzira sezvavaudza dare. Imi amai Tindo (kureva Munodawafa) makagara ipapa muri kutoziva henyu kuti muri kunyepa, Mwari wangu ndiye anondipupurira.
“Kana iri nyaya yepandinoswera ndakagara ndinenge ndichitotengesa pamusika kuti ini nemhuri yangu tiwane kurarama. Nyaya yemusawu ndiyo iri kunetsa. Vana vangu vakatemha masawu amai ava vanopopota vachiti vari kuvaisira tsvina pamba pavo.
“Ivo ndivo vari kunditambudza, vanoti kana vave kukwesha muzino vanobva vasvipira pachivanze changu,” akadaro.
Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro rerunyararo kuna Munodawafa.



