Sekuru vopomera ambuya chipfambi

Gabriel Singano

CHEMBERE ine makore 80 okuberekwa yave kudunura ichiti iri kushaiswa rugare nemurume wayo uyo ari kuishungurudza achiipomera kuita zvechipfambi netwukomana twemunharaunda yavanogara.Rudo Kavhayo akaendesa Rusike Kavhayo kudare reHarare Civil Court achiti anogara achimutuka.

Rudo akaudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Ndinokumbira nzira chaiyo inodzivisa murume wangu kundituka achiti ndiri pfambi inopinda-pinda netwuvana twemuraini nekukura kwose uku.”

Akaenderera mberi achiti murume wake ane mwana waakaita kunze kwewanano uyo waanoramba kugara naye zvinoita kuti vanetsane.

“Murume wangu akati anoda kutora mwana wake waakaitira musango kumuunza pamba. Naizvozvo ini handina kuwirirana nazvo, ndipo paakatanga nyaya yokuti ini ndinoramba kuti mwana auye pamba apa nokuda kwokuti ndinotya kukanganiswa mabasa angu echipfambi. Nezera rangu rino mwanangu?” akadaro.

Achipawo divi rake, Rusike akapokana nemashoko ose ainge ataurwa naRudo achiti haasati ambomushungurudza pamakore 54 avagara vose.

“Ini nechembere yangu hatina mwana pamakore 54 atagarisana. Handimushungurudze mukadzi uyu asi haadi kutorawo zai rangu riri musango achitya kuti pfuma yangu ingaende kumwana uyu iyo inosanganisira imba nemombe,” akadaro Rusike.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Rudo gwaro redziviriro.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *