Cassius Mushore
MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mukadzi wake anoti mudzimai uyu akabatsirana nehama dzake kumudzinga pachitoro chavakavakisa vose nekudaro haana dzimwe nzira dzekuwana mari yekuti ariritire mhuri.
Izvi zvakabuda muHarare Civil Court uko Talent Chonabi akaendesa aimbova murume wake, Ian Chimwaza, achida mari yekuchengeta vana vavo vatatu.
“Ndinoda $150 yekuchengeta vana. Pamari iyi ndichatenga chikafu, kuendesa vana kuchipatara, kutenga nhumbi dzekupfeka nekuzobhadhara imba yatinogara,” akadaro Chonabi.
Chimwaza haana kuwirirana nezvaitaurwa naChonabi ndokuudza dare kuti haakwanise kubvisa mari iyi nekuti zvinhu zvakamuonera uye kuti mukadzi uyu akamudzinga pamba pavo.
“Mukadzi uyu anondishamisa kuti anoda mari yemendenenzi sei asi ini ndakamusiira chitoro chatakasimudza tiri tese.
“Ndakanomutora ari kumusha ndikamuti auye kuzotengesa muchitoro ichi. Ndipo pataiwana mari yakawanda yaikwanisa kuchengeta mhuri yedu zvose nevabereki vedu pamwe chete nehama dzake.
“Nyaya yakazonetsa ndeyekuti akazondidzinga pachitoro apa nekuda kwekuti ndaichengeta vana vangu nemari yemuchitoro ichi. Vana ivava akanga asingadi kana kuvaona. Kundidzinga kwaakaita akaita zvekutuma hanzvadzi dzake kuti dzindibvise zvine chisimba ndikatomusiya achishandisa chitoro ichochi,” akadaro.
Chimwaza akati pari zvino Chonabi akatotora pasipoti achishandisa mari yemuchitoro ichi uye ave kuenda kunze kwenyika kunohodha zvinhu.
“Anonditi ndiri mutyairi wemakombi asi handityaire nekuti ndine dambudziko remwoyo.
“Akatombondipepa ndarwara pandakada kuzama kudhiraivha ndikatomiswa nenyaya yemwoyo zvekuti ndinogara ndichitora mushonga nehurwere hwakomba,” akadaro.
Mutongi Babra Mateko akati nyaya iyi yaizoenderera mberi zvakare munguva inotevera.




