2016 psl ndeyedu: Harare City

GORE rino zvikwata zviviri zvinoti Chicken Inn FC neHarare City FC zvakaratidza kuti zvimwe zviri kusimukira zvinogonawo kutamba nhabvu inodakadza iyo inotambwa nezvimwe zvikwata zvikuru.

Chicken Inn yakahwina mukombe wePremier Soccer League uye parizvino iri kurwira weNetOne Easy Call Cup kozoti Harare City FC yakahwina mukombe weChibuku Super Cup.

Munyori mukuru (secretary-general) weHarare City FC kana kuti The Sunshine City Boys – Retired Major-General Matthew Marara – vanoti nhabvu yemuno yave kunakidza nekuti zvikwata zvakaita sezvavo zvave kukwanisa kumisidzana nezvikuru zvakaita seDynamos, CAPS United neHighlanders uye vachihwinawo mikombe.

Rtd Maj-Gen Marara vanoti kuhwina kwavakaita Chibuku Super Cup kunoratidza kuti chikwata chese kana chakarongeka chinogona kuhwina mikombe yakasiyana.

Vanoti kuhwina kwavakaita uku kuri kuvasimudzira zvikuru zvekuti gore rinotevera vari kutarisira kuhwina mukombe wePSL.

“Zvishuvo zvechikwata chipi nechipi kuhwina mukombe wePSL isu tine makore akawanda tichizama asi tiri kukundikana.

“Gore rino takahwina Chibuku Super Cup, mukombe mukuru chaizvo uye zvatisimudzira zvikuru zvekuti gore rinotevera ticharwa semvumba kuti tigohwina mukombe wePSL.

“Chicken Inn yakarakidza zvikwata zvese zvemuPSL kuti kana makarongeka mune mukana wekuhwina zvamunoda uye zviri kusimukira zvakaita sezvedu zvave kukwanisa kukwikwidzana nekurwira mikombe nezvikwata zvikuru zvakaita seDynamos, CAPS United neHighlanders,” vakadaro Rtd Maj-Gen Marara.

Kuhwina kwakaita Harare City mukombe weChibuku Super Cup kuchaona chikwata ichi chichikwikwidza mumutambo weCAF Confederations Cup wemuAfrica.

Munguva inotevera, Harare City ichange ichisangana nenhengo dzePSL neZifa apo vachadzidziswa kuti zvinombofambiswa sei muAfrica sezvo aka kari kekutanga vachikwikwidza mumitambo yakadai.

Rtd Maj-Gen Marara vanoti vanofara kuwana mukana wekukwikwidzana nezvimwe zvikwata zvikuru zvemuAfrica.

“Tiri kufara kuwana mukana wekukwikwidza mumutambo uyu nekuti zvichatibatsira kusimudzira nhabvu yemuno uye vatambi vedu vanowaniswa mukana wekuonekwa nezvimwe zvikwata zvekunze.

“Vanhu vazhinji vanofunga kuti zvimwe chikwata chedu chakapfuma asi kwete hatina mari inyaya yekurovera mwoyo padombo kuti tigobudirira,” vakadaro Rtd Maj-Gen Marara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *