Akafa arohwa nevakadzi 3 vaiva musvo

VaClaudious Makuvaza
VaClaudious Makuvaza

MURUME wekwaMusami, kwaMurehwa, anonzi akafa achirutsa ropa mushure mekunge arohwa munguva dzemanheru nevanhukadzi vatatu vanofungidzirwa kuti varoyi, avo akasangana navo pamhararano vasina kupfeka.

Munyaradzi Samuel Madzunga (33), wemubhuku raChigombe, kwaShe Mangwende, anonzi asati afa akaudza mudzimai wake nedzimwe hama kuti akange asangana nevanhukadzi ava pamhararano yemugwagwa mukuru unoenda kwaRota, padyo nemumwe musha wava dongo.

Panzvimbo iyi panofungidzirwa kuti panhandare inotambira varoyi apo pane dzimba dzisingagare vanhu kuburikidza nekurema kwapanoita.

Mudzimai wemushakabvu, Precious Chikanya (27), uyo ane vana vaviri naMunyaradzi, anotsanangudza nyaya inosuwisa iyi.

Anoti Munyaradzi ange achishanda samugaisi panzvimbo yemabhizimisi yeMusami uko akadzoka achiti ainge arohwa zvakaomarara nevaroyi.

“Akabva pano pamba makuseni asingarware ndokuenda kubasa kwake kuchigayo chekwaChifeya. Musi uyu kwakaswera kusina magetsi uye vanhu vaida kugaisirwa vaisiya chibage chavo. Magetsi akazouya usiku, kuma9, apo akazotanga kugaisa kudzimara apedza ndokuti rega ndichidzokera kumba,” anodaro Chikanya.

“Akasvika achiti, ‘Ndadonha, ndarohwa nevakadzi, vaviri vakobvu nemutete, vanga vasina kupfeka’. Akatizve vamukutsirana achiwira pasi pamhararano yekwaRota apo vaimugara matunduru vachimurova nezvibhakera.

“Aiti zvakare vakamuperekedza vachingomurova uye paakasvika pamba, vakadzi ava vakasara vamire pasi pemumango. Ini ndakazodongorera ndichitya, handina kuona vanhu ava. Asi iye aivanongedzera achiti vaingomutevera vachimuti haapone nekuti akavaziva,” anodaro mudzimai uyu.

Anoti kubva ipapo, Munyaradzi akabva atanga kurutsa ropa raiva nemagodo.

“Ndakazozivisa vanababa vake nedzimwe hama vakati timuendesa kuchipatara cheSt Paul’s Musami uko aingorutsa ropa iro rakanga robuda zvose nemukanwa nemumhuno. Akabva adarikidzwa kuChitungwiza (Central Hospital) uko akasvikofira mangwanani emusi waitevera wacho,” anodaro Chikanya.

Baba vaMunyaradzi, VaClaudious Makuvaza Madzunga (68), vakatsinhira nyaya yekuti mwana wavo akarohwa nevaroyi vachiti: “Mukomana uyu aiva mugaisi paMusami uko akadzoka usiku ari oga. Achitaura anoti akasangana nemadzimai matatu, vose vaiva musvo, avo vanonzi vakangoridza tsamwa paakasvika pavari ndokutanga kumurova pamhararano yemugwagwa pane dzimba dzisisagarwe.

“Vanonzi vaimugara matunduru vasina kupfeka kudaro pasina aitaura asi iye achichema kuti vamuregerere kusvikira vakazomubatirana vachimuperekedza kumba. Asi vanonzi vaiti vaida kumupedzisa nekuti vaitya kufumurwa.

“Handina kumbobvira ndaona zvakadaro, mwana iyeyu akarutsa ropa rakakwana marita 25 kuita fanika mombe yabaiwa.

“Handizive kuti varoyi kana kuti chii. Tisati taenda naye kuchipatara, takatanga nekumaporofita akatiudza kuti pakanga pasisina upenyu sezvo varoyi ava vakanga vaita hasha, vaisada kufumurwa.”

VaMadzunga vanoti vasati vamuendesa kuchipatara cheMusami, akanga aramba achiti vamurege afire zvake mumba.

Vanotizve mwana wavo akanga asina nhoroondo yekurwara nevamwe.

Sahwira waMunyaradzi anonzi paienda kunhamo iyi, akazvambuka kupunzika pamhararano inonzi yakaroverwa murume uyu ndokunofefemukira kuchipatara.

“Shamwari yake, Panashe, yaida kuzomuchema yakapunzika panzvimbo iyi ndokuendeswa kuchipatara cheMusami uko akanorara akazoburitswa rechimangwana apo akasvika mumwe wake ave kuvigwa. Kufamba kunobvunzira hatina zvedu asi inyaya inotyisa,” vanodaro.

Mukoma waMunyaradzi, Tafadzwa Madzunga (36), uyo ainge asipo pakaitika nyaya iyi, anoti musha wavo wave kutyisa nekuti havazive kuti varoyi ava vachanangana nani zvakare.

“Ini nyaya iyi ndakaitaurirwa, kuti akasangana nemadzimai asina kupfeka vakamurova. Ndipo pazvakatangira, zvemazita evanhu vaakaona hatina kuzvinzwa kunyangwe kuine vanoataura,” anodaro Tafadzwa.

Muramu wemushakabvu, Portia Lawrence (20), anotiwo: “Vamwene vedu vakafa, tangosara natezvara. Asi kugara pano hamheno, pave kurema nekuda kwenyaya iyi.”

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×