‘Amai muri zimuroyi’ l ‘Mapedza kudya vana vangu’

Mai Rosah Tswande
Mai Rosah Tswande

MUKADZI wekuChitungwiza anoti ashaya hope uye ari kugara akabatira hana mumawoko achitya mwanasikana wake uyo waanoti ari kuda kumuuraya nekumuisira mushonga wemakonzo muchikafu sezvo achimuti muroyi apedza kuuraya vana vake.

Mai Rosah Tswande (52), avo vanogara panhamba 563 kuSt Marys, vanoti vagurwa kunorira nemwana wavo, Adeline Mafemba (32).

Vanoti nyaya yekuti Adeline anoda kuvauraya yakafumurwa nemunin’ina wake, Mercy Manyonga (24), mushure mekunge amuti amubatsire mukuuraya amai ava.

Asi Adeline ari kurambisisa kuti anoda kuuraya amai vake, kunyangwe zvazvo Mercy ari kutsinhira kuti mukoma wake uyu akambomutuma kuti anovaisira mushonga wemakonzo muchikafu.

“Mwana uyu (Adeline) andinetsa, ndinofunga kuti zvakabvira pakumuzvara aine mwedzi gumi. Ndakatombofunga kuti ndazvara rwaivhi nekuda kwekuti ainge ari katikitiki.

“Pandakamuona akaiswa mugirazi ndakabva ndafenda, zvisinei ndakamuchengeta akakura,” vanodaro Mai Tswande.

Vanoti Adeline ipfambi yemakoko, nekudaro anozvitsvagira zvirwere zvepabonde izvo zvinopedzisira zvauraya vana vake asi iye nekusaziva, ovananga huroyi.

“Vana vake vaviri, Victor naRutendo Bhatoni, vose vaiva nanababa vakasiyana uye vakafa vave nemakore maviri. Vakafa nechirwere chemaronda, manyoka, mapundu nerurindi (TB).

“Vana vake kufa nekurwara asi anonditendeka huroyi. Anoti ndini ndinodya vana vake, ndinomuroya. Wose murume waadanana naye anomuudza kuti handisi amai vake, ndiri tete kana kuti mukoma waamai vake uye kuti amai vake vakafa,” vakadaro Mai Tswande vachipupa neshungu.

Mai Tswande vanoti Adeline anoti anoudzwa kumaporofita kuti amai vake ndivo vari kumudyira vana. “Rimwe zuva ndakaenda kumba kwake ndichida kuvaratidza zvandaitengesa asi ndakasvika iye asipo aenda kwemunin’ina wake. Ndakazoenda ikoko vakanditambira zvakanaka.

“Mushure mekunge ndadzoka kumba kwangu, munin’ina wake, Mercy, akazouya kumba mangwana acho achiti, ‘Mhamha makapona neburi retsono. Adeline aida kukuisirai mushonga wemakonzo’.

“Anoti aida kuisa musvutugadzike achinzi aiti vana vandakadya vakwana,” vakadaro Mai Tswande apo vakauya kuzopotera kumahofisi eKwayedza.

Adeline, vanodaro, anovatuka zvekuvasvitsa kutsime chaiko.

“Anondituka nezvinyadzi achimbonditi, ‘BP yenyu ngaizive pekugumira, muri zimuroyi munodya vana vangu’.

“Munin’ina wake Mercy ane mwana akashaya zvakare saka anoti ndini ndakamudya. Ndakatombomusungisa mushure mekundishaudha.”

Mercy anotsinhira mashoko ekuti Adeline anoda kuuraya amai vavo achivati muroyi.

Mercy anoti: “Akatombondituma achiti, ‘Enda unouraya amai uvaisire mushonga wemakonzo musvutugadzike’. Ndakamuti andipe mushonga wacho akandipa.

“Ndakaenda kumba kwaamai ndikanovaudza kuti Adeline anoda kuvauraya. Aifunga kuti tiri mudhiri iri tose asi ini ndaitonofumura gure.”

Zvisinei, Adeline ari kuramba nyaya yaari kupomerwa iyi.

“Amai vanondinyepera, nyaya dzose idzi ndedzekubika. Handivavenge ini, handina kubvira ndamboda kuvaisira mushonga, kana! Ndinotovada saamai vangu.

“Uyu munin’na wangu (Mercy) ndiye akanoita makuhwa kwavari nekutsvaga kuda kudiwa. Kungoti chete kuwirirana kwangu naye hapana sezvo tinanababa vakasiyana.

“Amai vakatombondisungisa vakandivhurisira dhoketi asi ndakatoona zvisingaite kunomisidzana naamai mudare saka handina kuenda,” anodaro Adeline.

Anoti zvakare amai vake vakadya voga pfuma yake yose yeroora yakabviswa nemurume wake wekutanga.

“Amai ava vakadya pfuma yangu yemurume wekutanga baba vangu chaivo, Amos Mafemba, vasipo. Iye zvino ndava nemwana asi vakatoramba kubata mwana wangu vachiti handibate vana vezvikomba, vechipfambi.

“Ini ndinofunga kuti amai vangu vanoda kutombonovhenekwa pfungwa, handizive kuti kuchembera here kana kuti kurasika kwepfungwa. Zvinotondidya moyo zvenyaya dzavanotaura idzi, handina kubvira ndavananga huroyi.

“Handizive kuti vanoda kurwei neni ivo vari amai vangu. Havana wavanowirirana naye kubva kuhanzvadzi yangu hombe, Elimas Manyonga. Kana sisi vavo chiavo, Mavis Tswande, havaonane nenyaya yekuti vane pamuromo,” anodaro Adeline.

Anoti zvakare amai vake vanomufudza kwose kwaari.

“Ini handina hangu mhosva nemunhu, handiende kumba kwavo nekutotya pekutangira. Handina murume, wandaigara naye akanditiza ndichangobva kubatsirwa mwana wangu aine mwedzi mumwe chete. Handina chekubata nekudaro ndinotochengetwawo neshamwari dzangu kana kutoendawo kubhawa kunotsvaga raramo,” anodaro Adeline.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×