
MURUME saimba wekuZengeza 4, kuChitungwiza, akafuma akaguswa vhudzi rose resikarudzi muchiitiko chinonzi chakaitwa nevaroyi asi zvikakonzera kupopotedzana nemudzimai wake uyo aiti aive aveurwa nepfambi.
VaNorman Zhuwao (42), vepanhamba 11281 Shumbayawonda, vanoti mashura aya akaitika kwavari nguva pfupi yadarika.
Vanoti kuguswa kana kuti kugerwa uku kwakatanga kuonekwa nemudzimai wavo, Mai Enia Mwashita (40).
Murume uyu anoti akanga abva pamba masikati achienda kubhawa uko akanosangana nemumwe wake ndokutandara.
Akazodzokera kumba pakati pehusiku apo akanorara asi ndokufuma akaveurwa.
“Mudzimai wangu akaona izvi ndokundibvunza kuti vhudzi rakanga rabviswa nani? Ini ndakatoshamiswawo sezvo ndakanga ndisina kuribvisa. Vadzimai ndakanga ndageza navo zuva rainge radarika saka vakafungira kubhawa kwandaiva ndaenda vachiti musikana wangu aiva aita izvi. Takatanga kupopotedzana, ini ndichiedza kuvatsanangudzira asi havana kunzwisisa,” vanodaro VaZhuwao.
Vanoti kunetsana uku kwakaenderera mberi apo vakatanga kugara vachirwa kwemazuva akatevedzana, mudzimai wavo achifungira kuti vaiva vaguswa nepfambi, ivo vachizviramba.
“Nyaya iyi yakanetsa kusvikira taendesana kumadzitete, mudzimai achiti akanga asisade zvemba apo aiti ndakahura. Kumapurisa chaiko ekwaMakoni takasvika kuti tinogadziriswa zvikaramba.
“Mudzimai wangu akazosangana nemapepa ekuchechi yeGoodness and Mercy Ministries iyo inotungamirirwa naProphet Tapiwa Freddy, uko akandinyengetedza kuenda kugungano ravaiva naro muguta. Ndipo pakanobuda nyaya yehuroyi mushure mekunge tapihwa magirazi ekuona zvakavandika, ma‘spiritual spectacle’,” vanodaro VaZhuwao.
Mai Mwashita vanoti nyaya yekuguswa kwemurume wavo yakapotsa yavarambanisa.
“Sematauriro avo ose, ini ndakanga ndava kuda kuenda kumba kwedu nenyaya iyi ndichiti aiva aguswa nepfambi kusvikira ndakamuti tiende kuchechi kunotsvaga chokwadi. Tiriko, prophet vakashevedza murume wangu nezita ndokumutaurira kunetsana kwataiita kumba nenyaya yevhudzi uyewo nekumboendesana kwatakaita kumapurisa. Vakazondishevedza apo takanamatirwa ndokuti vaida kuti tione chokwadi chaiva chaitika,” vanodaro Mai Mwashita.
“Takanamatirwa tikadonha tose ndokuzomuka tichiona girazi hombe raiita seterevhizheni apo takaratidzwa mapindiro akaita muroyi wechikadzi mumba medu matinorara nepamudhuri usina dhoo. Akasvikotanga nekukusha mvura mumba pataiva tirere ndokufugura magumbeze ndokutanga kugusa murume wangu achibva atora vhudzi rake akaenda naro,” vanodaro.
Vanoti mukadzi akaita izvi vakamuratidzwa vakamuziva semunhu anogara munharaunda yavo yeZengeza.
“Zvisinei nekunetsana uko taiita, takabatsirwa kuziva kuti murume wangu akaveurwa vhudzi rake nemuroyi kwete nepfambi sezvandaifunga,” vanodaro.
“Kunyangwe vana vedu vana vanga vatarisana nematambudziko nekurwa kwataiita. Tave kunamata tose nemurume wangu.”
VaZhuwao vanoti vhudzi ravo rakazomera mushure mechinguva.
“Ndakambotya ndichiti zvino vhudzi rangu rakatorwa rakaenda kupi asi ndakashingiswa,” vanodaro.
Murume uyu anoti hapana panomurwadza kubva zvakaitika mashura aya.
Prophet Freddy vanoti: “Maziso emweya akakosha nekuti unoona chakavanzika, kunyangwe akava matambudziko api sezvinodudzirwa mubhuku raMadzimambo 2 Chapter 6 vs 17 apo muporofita Elisha vakavhura munhu maziso akaona.
‘‘Asi zvinoda kunamata kwakasimba manje.”
Munyaya inoda kufanana neiyi, pazvikoro zveChadzamira Primary neSecondary zviri kwaGutu kuMasvingo, vadzidzisi vose vakambofuma vakaguswa vhudzi kunhengo dzakavandika nyaya yacho ikaguma yasvika kwamambo weko.
Mumwe muchena wekuMazowe akaguswawo apo aive arere husiku.




