
VAGARI vepane mumwe musha uri mubhuku raZhanje, kwaSeke, vanoti vaoneswa ndondo nejira reretso ravakangoona rava muimwe imba yavo iro ravanoti rinombosanduka kuita zinyoka uye vanhukadzi vepo vachishinhwa navo nezvinhu zvisingaonekwe.
Pamusoro peizvi, vanoti zvakare vanorohwa zvibhakera nekukwapaidzwa nembama nevanhu vavasingaone.
Pamba pari kuitika masaramusi aya ndepaVaCleopas Zhanje, avo vakashaika kare vose nemadzimai avo maviri. Pamusha uyu pasara vana bedzi asi panogara maroja.
Vana vepamba apa vatatu vanonzi vanoshanda kuSouth Africa, mumwewo achisevenzera kwaJuru (Bhora), kuGoromonzi.
Musha uyu uri padyo neDema growth point izvo zvinoita kuti pagare maroja. VaTsangirai Tanhira (31), mumwe wemaroja epamusha uyu, vanoti jira reretso iri rakazongoonekwa muimba yairojwa nemumwe wavo riri kuseri kwe”kitchen unit” richiita seraifamba richibvira moto.
“Jira iri rakaiswa mumba maLawrence Mavungu (24) ndokuzoriona ivo varidzi vemumba usiku apo vaiona sepaibvira moto. Vakatya zvikuru ndokuburitsa zvinhu zvavo mumba vachibva vaisa mumba mangu mushure mekumbodira sauti pajira iri senzira yekuda kufumura.
“Chave kunetsa ndechekuti jira iri riri kusanduka kuita zinyoka hombe iro tinoona tose pano asi rinozongonyangarika takayeva. Nyoka iyi inofamba mumba mose yozodzokera panzvimbo pane jira iri,” vanodaro VaTanhira.
Vanoti jira iri vakariona kanokwana kaviri richisanduka kuita nyoka yerudzi rwemhungu.
“Ini jira iri ndakariona kaviri rapinduka kuita nyoka, mhungu chaiyo yaifamba mumba ichitenderera ndokuzodzokera panzvimbo ine jira iri apo yakapinduka kuita jira.
“Nyoka iyi inopeny’a zvikuru, inenge yakareba kudarika jira irori zvekuti inogona kuita mamita maviri nechidimbu,” vanodaro.
VaTanhira vanoti aya mabasa emishonga yechivanhu kana kuti evaroyi nevamwe vanoshereketa.
“Tinorohwa zvibhakera nembama nevanhu vatisingaone tichitoridza mhere. Tinogona kurohwa tose nguva imwe chete tichichema pasina anonunura mumwe nekuti zvinotirova zvacho hatizvione. Tave kutotyira madzimai edu nekuti vanoitwa vakadzi vavete nezvavasingaone.”
Pamusha uyu pane imba huru ine mipanda mipfumbamwe neimwe ine dzimba nhatu.
“Hatichaziva kuti zvinofamba sei nekuti mukoma wemuridzi weimba ino, VaSteven Zhanje, ndivo vanoona nezvepano avo vane kumba kuri kunetsawo nemasaramusi akasiyana,” vanodaro VaTanhira.
Zvakadaro, Mavungu (24) uyo ane mumba makaonekwa jira iri anoti kubva paakariona richipinduka kuita nyoka, ave kungogara achivhumuka uyewo nekurwadziwa nemuviri.
“Jira iri takariona kutanga kwesvondo rino (svondo rapera). Ndakaona kupeny’a sepaibvira moto ndokuvhunduka zvikuru. Ndakabva ndazoburitsa zvinhu zvangu mumba umu ndikaisa memumwe anogara pano, Tanhira,” anodaro.
“Mukoma wemuridzi wemba, VaZhanje, takavataurira nezvejira iri uye vana vevaridzi vemba vari kuSA nemumwe ari kwaBhora takavazivisa nezvemashura aya vakati vaizokurumidza kuzoona zviri kuitika. Asi pano pane dzimwe mbatya dzakasiiwa nevamwe vanhu vakafira pano vaiva maroja dziri mune dzimwe dzimba,” anodaro.
Imba iri kunetsa iyi iri padyo neyaVaSteven Zhanje, apo pari kuitikawo masaramusi anosanganisira kubvutirwa zvekudya kuvanhu vepo, kutemwa nematombo nezvinhu zvisingaonekwe pamwe nekungotsva kwemidziyo nemoto usingaonekwe kwaunobva.
Nyaya yemashiripiti ari kuitika pamusha paVaZhanje yakabuda mubepanhau rino munguva pfupi yadarika.
Mavungu anoti ave kugara mutakishopu uye ari kutsvaga kumwe kwekuenda nekuda kwemashura aya.
“Ini nyoka ndakaiona katatu, jira iri rapinduka rikazodzokera kuita jira chairo. Tinoti dai pauya machiremba vachenura musha uno,” anodaro.
Pamba apa panogarawo madzimai matatu nevana. Madzimai aya anoti vaoneswa nhamo nekuitwa vakadzi nezvinhu zvavasingaone.
Caroline Amild (22) anoti akarohwa mbama dzakasimba nezvibhakera nemusi wa7 Zvita akapotsa apunzikira pasi nechinhu chaasina kuona.
“Ndakarohwa mbama yakasimba kudama rangu rekurudyi ndikarovera kumadziro pasina wandaiona. Taoneswa nhamo pano, kana kushinhwa nesu vakadzi tapfidza,” anodaro.
“Dzimwe nguva tinonzwa vanhu vachichema usiku sepane nhamo asi ukabuda panze vanhu vacho hauvaone. Izvi zvakatanga pakaonekwa jira reretso iri.”
Fortunate Nkomo (19) anotsinhira matambudziko epamba apa ekuti vari kuona nyoka inosanduka kubva mujira.
Dadirai Ruwizhi (36), uyo anova muvakidzani wepamusha apa, anoti vane dambudziko zvakare renyoka inobva pamba apa ichidarika nepachivanze pavo zuva nezuva. “Zvinoitika kuno zvakaoma. Pane nyoka inobva kuno ichimhanya seiri pamujaho inodarika nepachivanze pangu zuva nezuva. Haimbotya, kunyangwe paine vanhu inodarika zvisinei kuti kune munda une huswa usina kurimwa, haidi kufamba neko inoda pamba,” vanodaro.
Mumhuri ine musha uyu zvinonzi pane mwana akashaika masvondo matatu akadarika uyo zuva rakatevera racho paguva pake pakawanikwa pakadhinda tutsoka twemwana mudiki.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura naVaZhanje vanoona nezvepamba pemunin’na wavo apo pari kuitika masaramusi pakashanyirwa musha uyu sezvo vainzi vakange vaenda kurufu rwemwanasikana wavo akanga ashaikira kuBulawayo.



