Akanorasa kamwana kumakuva

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuKadoma akasungwa nemapurisa eko achipomerwa mhosva yekusunguka mwana achibva anokanda kasvava kacho mukati memakuva nechinangwa chekuti kasare kachifa iye aenda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa4 Kurume kunzvimbo inonzi Charrybank Graveyard iri muKadoma.

Vimbai Musapo (17) wekunzvimbo iyi anonzi ange aine pamuviri pasvika mwedzi mipfumbamwe apo akasununguka mwana mukomana ari oga achibva anomurasa pakati pemakuva ari mupenyu.

“Nemusi wa5 Kurume, Nyasha Chapera, uyo asina kuzivikanwa makore ake ekuberekwa, aidarika nepamakuva apa ndokunzwa kasvava kachichema achibva amhanya kunozivisa Petronella Musapo (21) naRuth Sibanda (51).

“Vaviri ava vakazoenda mumakuva umu vachibva vatora mwana uyu uyo aiva asina kupfekedzwa mbatya kana kuputirwa nemachira,” vanodaro Insp Chitove.

Vanonzi vakazotevedza mutsetse weropa raiva rakadonhedzwa pasi kunosvika pamba paMusapo apo vakamutora ndokuenda naye kukamba yemapurisa yeKadoma Rural uko vakanomhan’ara nyaya iyi.
“Mapurisa vakazotorana nevanhu ava, kusanganisira Vimbai Musapo, ndokutanga kuferefeta nyaya iyi Musapo achibva abvuma kuti ndiye ainge arasa kasvava aka.

“Vimbai Musapo nemwana wake vakazoendeswa kuchipatara cheKadoma General Hospital uko vakanotanga kurapwa vose vakarindirwa nemapurisa uye utano hwavo huri pakanaka. Mudzimai uyu ari kutarisirwa kuti paanongobuda muchipatara achaendeswa kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yekurasa mwana iyi,” vanodaro Insp Chitove.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×