Akanyn’udzwa nemufakazi

Sandy Musungata
MURUME wekuudza dare kuti anozvindikitwa nemukadzi waakarambana naye uyo aimbomushandira papurazi rake akany’udzwa nemufakazi wake mushure mekunge apupura kuti ainyepera dare.Tendai Masawi akanyadziswa naJoyce Mahwede akanzi ainyepa mudare reHarare Civil Court apo akange akamhan’arira yaimbova shamwarikadzi yake, Emily Maradza, achiti anomuzvambaradza pamwe nekumutukirira.

“Changamire, nemukadzi uyu takambofambidzana asi ndakazomuramba nenyaya yekuti haagarikike naye. Munhu wejambanja, anondituka nekundirova, ndingangoti anondishungurudza zvekutoti nditori nemavanga ekukuvadzwa naye.

“Saka ndakazomusiya asi zvakadaro, handina zororo nekuti ari kuuya kupurazi kwangu achindirova nekunditukirira. Nditori nematsamba ekuchipatara anoratidza kurapwa kwandakaitwa ndakuvadzwa,” akadaro Masawi.

“Mudare muno aripo mukadzi waakauya naye paakapedzisira kundirova zvekuti kana ari munhu anotaura chokwadi anogona kupupura kuti zvedi ndakarohwa.”

Maradza, uyo aingoseka-seka paitaura Masawi, akaramba mhosva yaaipomerwa.

“Baba ava ndakavashandira kwemakore manomwe saka vakabva vandida ndokubva vati havangandibhadhari nekuti ndaiva ndave mudzimai wavo.

‘‘Iko zvino vaona kuti zvinhu zvava kuvaitira vava kuti handichakudi pasina kana chikonzero, kana kundipawo kamuripo kekuti ndigone kuwana pekutangira,” akadaro Maradza.

“Nyaya yavari kutaura kuti ndakavarova manyepo. Mwana wavo mukomana ndiye akatondirova ndaenda kunopihwa mari yerendi. Chandakaroverwa yaiva nyaya yekuti muri kudananirei nababa vedu.” Mufakazi waMasawi, Mahwede, akaudza dare kuti akange asina kurohwa naMaradza asi kuti iye Maradza ndiye akarohwa nemwana waMasawi.

Mutongi Trevor Nyatsanza akabva arasa chikumbiro chaMasawi achiti hapana umboo.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×