Akaponda mukadzi

Kingstone Mapupu —
PANE murume wekuMacheke akasungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuponda mudzimai wake uyo aifungidzira kuti aiita chipfambi.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti Robert Tevedzai (38) anonzi nemusi wa13 Kurume nenguva dzemambakwedza akaponda mudzimai wake, Abigail Chandivata (36), uyo waaigara naye kuVillage 3 kumapurazi ekuMaryland.

“Vaviri ava vanonzi vakanetsana vakazotanga kurwa izvo zvakapa vanakomana vavo vaviri vanoti wemakore 8 newemakore 14 ekuberekwa, avo vaiva varere mumba mavo voga, kumuka vachibva vatiza nepahwindo vachinoudza Aaron Simbarashe Chiwara (33) anogara chinhambwe,” vanodaro Asst Insp Mwanza.

Chiwara nemumwe wevana vaviri ava vanonzi vakazoenda kumba kwairwiwa uku apo Chiwara akasvikoedza kuvhura gonhi nekunze. Anonzi akavhundutsirwa nekurohwa nesimbi naTevedzai zvikaita kuti atye ndokutizira kure apo mwana uyu akanohwandawo nechekure.

Vana vaviri ava vanonzi havana kudzokera kumba.

“Vana ava vakazoona baba vavo vachibva pamba,” vanodaro Asst Insp Mwanza. Dzava kuma5 dzemangwanani, zvinonzi Tevedzai akazoenda kuna Diana Matyora (43) anova muvakidzani wavo arizve shamwari yaChandivata ndokumuzivisa kuti aive aponda mukadzi wake.

Matyora akazoenda kumba kwevaviri ava uko akasvikopinda mumba akaona mutumbi waChandivata uri mudziva reropa. Mudzimai uyu akazozivisa veruzhinji zvikaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa ekuMacheke.

Tevedzai ari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×