Zivai nezvegomarara remuchibereko

Muchaneta Chimuka —
CHIRWERE chegomarara chine zvitaridzo zvinonoka kuoneka, kunyanya kana riri remuchibereko nekuti hakuna zviratidzo zvekunze zvinoonekwa.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG) — kuburikidza nebhuku rarakadhindisa rinonzi ‘Utano hwako, Upenyu Hwako’ — rinoti pane zvimwe zviratidzo zvinofanira kupa munhu fungidziro yekuti anogona kunge aine chirwere ichi nokudaro madzimai anokurudzirwa kunovhenekwa kaviri pagore, kunyanya mushure mekusununguka.

Zviratidzo:

Kubuda mvura nezvimwe zvinhu zvinenge zvichinhuwa nekusikarudzi.

Kubuda ropa pasikarudzi mushure mebonde kana kuti isiri nguva yekutevera kana mushure mekunge waguma ura (menopause).

Kurwadziwa nemusana nekungorasa mvura pese-pese.

Ungaziva sei?

Machiremba anotora tsvina yemuchibereko (pap smear) iyo vanovheneka kuti vaone kuti haina masero egomarara here. Tsvina iyoyo inovhenekwa nemuchina (Visual Inspection With Acetic Acid (VIA).

Madzimai ose anoita zvepabonde anokurudzirwa kuvhenekwa gomarara remuchibereko.

Kana vachinge vaonekwa vasina gomarara iri, havafaniri kungogara asi vanofanira kuzovhenekwa zvakare mushure memakore matatu.

Madzimai anenge abva mukusununguka, anokurudzirwa kuvhenekwa gomarara remuchibereko mushure memasvondo matanhatu vasununguka.

Dziviriro:

Zvimwe zvinhu zvatinoita muupenyu zvinogona kukonzera gomarara iri.

Zvinhu izvi ndezvakadai sekuputa fodya, kudya chikafu chisingavake muviri, kuita bonde risina dziviriro zvichikonzera zvirwere zvepabonde, kupfekera mishonga yechivanhu kusikarudzi.

Kupinda munyaya dzepabonde nemudikanwi mumwe chete akavimbika kunobatsira mukuderedza mikana yegomarara remuchibereko.

Kana uine fungidziro yekuti unogona kunge uine gomarara remuchibereko, tsvaga rubatsiro nekukasika uye enda unorapwa pamwe chete nemudikani wako.

Kasikai kunovhenekwa gomarara remuchibereko kuti rirapwe risati rakomba.

Kune nzvimbo dzakawanda kunovheneka gomarara sekuzvipatara zveHurumende, makiriniki eFamily Planning nezvimwe zvipatara zvakazvimiririra. Kana gomarara rikaonekwa muchibereko, riri nyore kurapwa pane kunge rapararira nedzimwe nhengo dzemuviri.

Marapirwo:

Kana ongororo ichinge yabuda pachena kuti munhu ane gomarara remuchibereko, murwere anombogara muchipatara.

Chiremba anobva avhiya nzvimbo inenge iine masero egomarara. Mushure mekuvhiiwa, mudzimai anokwanisa kuramba achitevera mazuva ake sezvaaingoita muupenyu hwake.

Anokwanisa zvakare kuramba achiita nyaya dzepabonde pasina dambudziko.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×