Akaruma mukadzi mhuno

Milcah Nhakura
MURUME wekushungurudzwa neaimbova shamwarikadzi yake akachema-chema mudare achiti akasvika pakumuruma mhuno achida kuiita “kanyama-kanyama zamu rembwa” mushure mekunge amudhonza sikarudzi yake pajekerere kubasa kwake.
Givemore Masarirevhu akamhan’arira Sihle Gari kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekungomutevera kwaanenge ari.

“Nyaya iripo yakareba tingatoipedze mangwana. Gari ndakambodanana naye zvekuti ndakanga ndave kuda kutomuroora, ndipo paakati ava nepamuviri. Semunhu akanga achida munhu wake, ndakangoti hazvina mhosva asi rimwe zuva ndakaenda kumba kwake ndichida kumuona ndokumubatikidza aine chikomba. Ndipo pandakamuti handichakwanise kuramba ndichidanana newe,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kubva zvandamuramba, anongouya kumba kwangu pamwe nekubasa achindituka zvinonyadzisira. Anondivinga kunyangwe kuchimbuzi achindidhonza. Ini ndine vakadzi vaviri avo vakazosvika pakunditi mhan’ara upihwe gwaro redziviriro nekuti zvinotokanganisa kunyangwe vana pamba.”

Masarirevhu anoti Gari akambomudhonza nhengo yake yakavandika pamberi pevamwe vaanoshanda navo zvikaita kuti iye azomuruma pamhuno.

“Chazonyanya kuita kuti ndimhan’are ndechekuti akandidhonza nhengo pamberi pevanhu vakawanda kubasa, izvo zvakandipa hasha ndikamuruma mhino. Ndakaidzabvura zvekuti ndaitoda kuiita kanyama kanyama zamu rembwa.

“Pari zvino ndakatoita maDNA test emwana wacho anonzi ndewangu nekuti mafambiro anoita mai ava handitoanzwisisa. Handichada kuvaona kumba nekubasa kwangu uye ngavasandituke kana kuita zvekuda kundinyadzisa pane vanhu,” anodaro Masarirevhu.

Gari anopokana nechikumbiro chaMasarirevhu achiti anoda kupota achienda kumba kwake sezvo aine mwana naye.
“Kumba kwake ndinotoda kukuenda kana mwana achida chinhu uyezve kana arwara. Ndinoenda kumba kwemukadzi wake mukuru nekuti baba ava vane vakadzi vakawanda. Havasati vatorera mwana magwaro ekuzvarwa,” anodaro.
Mutongi Noah Gwatidzo akapa Masarirevhu gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *