O-LEVEL — Manyambiri- Zvinoreva zita

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi neongororo yezvinoreva mamwe mazita evatambi nezviito zvavo. Paidokwairiramwoyo zvinoreva chinhu chekuti munhu anenge achiita kuchifarira zvikuru kuti achiwane muupenyu hwake. Zita iri rinofambirana nekuzvarwa kunoitwa Paido naNdakasemwa naRufuse mushure mekunge vaita nguva refu kwazvo vasina kubatsirwa nevana.

Pavanozozvara mapatya avo, mumwe wacho vanomupa zita rokuti Paidokwairiramwoyo kududza kuti kugara kwavo kwose ndizvo zvakanga zvichidiwa nemwoyo yavo. Nduramo anoroora Paido nekuti ndipo pakanga pachidokwairira mwoyo wake kuti agare naye.

Rufuse – aya madota anopisa zvikuru asi anoita sekunge asina moto. Ukaabata usina kuziva ndipo paunopiswa chaizvo nerufuse. Saka muchidimbu tingangoti rufuse anogona kuve matambudziko anowira vanhu. Izvi zvinoenderana neupenyu hwairaramwa naRufuse sezvo tichiona achitambudzika zvikuru nekushaiwa mbereko.

Anopinda munguva yakaomarara apo mwanasikana wake Paida paanoisira mhuri yaMambo Njeremavhu muchetura muchikafu kusvikira ave kuda kudzingwa mudunhu iri. Kudzoka kumusha kunoita Paido achibva kumurume kunomushungudza zvakare sezvo zvichizopedzisira zvakumunetsesa nevanhu vemuimba yaMambo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *