Akashaya pekupinda anyepera dare

Garnet Zvimba
MUDZIMAI anova mupositori wekuedza kunyepera dare achiti murume wake akanga asina kumuvakira imba iyo aitora mari yemaroja akashaya pekupinda apo akazodura chokwadi mushure mekunge mutongi aramba asimbisisa kuti aigona kuti mapurisa aende kuona chokwadi panyaya iyi.

Cheure Riganja akaudza dare reHarare Civil Court kuti murume wake Patson Munhumbu, uyo waaida kuti abhadhare $400 yemendenenzi pamwedzi, akanga asina kumuvakira imba inomupa mari kuburikidza nemaroja.

“Ishe wangu ndinokumbirawo murume uyu andipe $400 yekurera vana vana pamwe neni sezvo mari yandinowana kumusika isiri kukwana. Hakuna kana neimba hombe yaanoti ndinotora mari yemaroja yaanotaura asi kutoti chingori chimba chakadhirika kumwe kwacho takatovhara nemakweshe. “Murume wangu anowana $266 kubasa raanoshanda pamusoro pazvo ane shopu yaanorendesa,” akadaro uyo akauya kudare akapfeka magemenzi.

Zvakadaro, mutongi Ruth Kamangira paakasimbisisa achiti anogona kutora danho rekutuma mupurisa kuti anotarise imba yainzi haiko nemudzimai uyu, Naganja akazobuda pachena kuti ainyepera dare.

“Ichokwadi changamire murume uyu akandivakira imba uye ndakaisa maroja anondipa $100 pamwedzi,” akadaro.

Manhumbu akati hapana chaaiwana kushopu yaitaurwa naNaganja. “Ini ndingatokwanise kumupa $100 nekuti anopihwa imwe $100 nemaroja ari pamba pandakamuvakira kuHopely.

Kushopu yaanoreva hapana chandiri kuwana sezvo mari yacho ichibatsira vanhu vari kugara kumusha uyezve ndine mumwe mukadzi wandiri kuchengeta,” akadaro.

Mutongi Kamangira akati Manhumbu abvise $120 pamwedz yekuchengeta vana vake 4.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×