Rudo anonzi afunge nezvemufananidzo

CHITSAUKO 9 (Ongororo: Enderero mberi)

Zvinhu hazvingorambi zvichifambira mberi zvakanaka mazuva ose. Nerimwe zuva zvinhu zvichafamba nepamwe zvorega kuita semazuva ose munhu opinda munyatwa. Chikwata chavana Josiah chakambofambirwa zvakanaka mukuba kwachaiita vanhu ndokupfuma. Asi nerimwe zuva zvinhu hazvina kufamba sezvazvaiita mazuva ose izvo zvinodimikirwa zvichinzi, “gava risati radambura musungo” (43). Tichanzwa kuti zvakafamba sei.

CHITSAUKO 10 (Nyaya yacho)

Tinonzwa nezvevanhu vemudunhu remunyika yaSadzajena tozonzwawo nezvenhema dzaPhainos Kamunda. Mufundisi Lovedale muRungu anofarirwa nevanhu vakawanda nekuti anoparidza dingindira rekusatyanana nekunzwisisana pakati pevanhu.

Pamusoro pezvo mufundisi uyu anokwazisana nevanhu achihwereketa rurimi rwavo.

Vanofarirawo zvakare kuti vana vazhinji vaedze kudzidza vana vakanga vashaiwa chikoro kunyora nekuverenga kana nguva yechikoro yapera.

Dzimwe dzenguva vaifamba nemisha vachinzwa zvainetsa vanhu nekuvabatsira kuwana mazano okuzvigadzirisa.

Chimwe chinhu chaiita kuti vayemurwe nekukudzwa nevanhu vemudunhu iri chaive marerero avaiita Rudo.

Vaibva vamuita kunge mwana wavo wavakabereka uyewo aine imba yakewo oga vasevenzisikana vaine yavowo.

Zvinhu zvechivanhu anotopota achiitwa zvekuudzwa naWinnie zvakafanana nemuroyi uyo akarota achiuya kwaari akagukuchira matende nenyanga dzemishonga ndokubva apepuka achiridza mhere, vasevenzisikana vaya kwava kumuseka apo akavaudza.

Nekupindana kwemazuva nyaya yevabereki vake inotanga kuuya mumusoro make. Mumwe musi apo anobvunza Mufundisi Lovedale vanomunzvenga vachiti vose vana vaMwari ava.

Anobvunzazve nezvenyaya iyi kwava kuudzwa kuti achazotaurirwa imwe nguva izvo zvinoita kuti moyo wake unyanye kuda kuziva chokwadi.

Mumwe musi Rudo naWinnie vanosvikopinda mumba yokutandarira vachibva kwavakanga vaswera vachitamba. Imba yaiva ine madziro ane mifananidzo Winnie ndokubvunza Rudo nezvemumwe mufananidzo waaigaroona kuti waiva waani.

Rudo anoti hapana zvaaiziva nemupikicha wamukoti uyu.

Winnie anomuti irema nekusaziva mufananidzo uyu uyo wainge wangokura uri mumeso make ndokuutora sechinhuwo zvacho chemazuva ose achitadza kubvunza Mufundisi Lovedale.

Winnie anoti pamwe mufananidzo wevamwewo vairerwa naMufundisi vakasvikira pakupedza kosi yavo zvakanaka.

Rudo anofunga zvekunyatsobvunza Mufundisi ndokubva vatanga kutaura zvavo nyaya dzekuMudavanhu Secondary School, uko kwainge kuchigadzirirwa kuendwa naRudo gore raitevera kunodzidza JC. Manheru emusi uyu Rudo anobvunzwa nezvepikicha yamukoti. Rudo anorara ava nepfungwa mbiri dzinoti yekuchikoro kwoti yemufananidzo wamukoti.

ONGORORO:

Tinosanganazve neminongedzo yemusoro webhuku iri, “Pafunge”. Wokutanga tinosangana nawo apo Winnie anoti, “Pafunge kuti uri rema rakaita sei Rudo” (46) tosanganazve nawo paPeji 47 apo Rudo ari kutaura nezvemufananidzo wamukoti uyu apo anoti, “Pafunge zvako, shamwari uone”.

Tiri kuratidzwa kuti pane zvimwe zvinhu izvo Rudo anofanira kufunga pamusoro pazvo.

Munyori anomborerutsa kukomba kwenyaya yaari kutaura nekumbotiudza nezvenhema dzaPhainos Kamunda idzo dzinotekenyedza setswa dzemuverengi (light humour).

Muverengi anomborega kuramba achingofungisisa nezvenyaya iyi.

Munyori anoshandisawo musambo uya wesiyaniso (contrast) paPeji 44 apo anoda kuratidza kusiyana kwepfungwa maererano nekufunda.

Zvinonzi, mazuva akare okutiza chikoro akanga apfuura kuchiuya mazuva okuchichemera chikoro nokuchishaiwa”

Enderero mberi svondo rinouya.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×