Kingstone Mapupu
MURUME wepapurazi reGravelord, kuMhangura, anonzi akaponda mukoma wake apo vakarwa achimupomera kuti aitora girosari remumba achinovhevhetedza naro vanasikana vake.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanotsinhira nyaya iyi.
Vanoti zuva rodoka nemusi wa18 Ndira, Ashley Chitofu (23) nemukoma wake, Cosmas Chitofu (35), vaiva pamba pavo apo vakatanga kunetsana nekuda kwegirosari remumba iro rinonzi raingotsakatika.
“Vaviri ava vakatanga kukakavadzana apo Cosmas Chitofu aipomera munin’ina wake, Ashley, kuti aitora chikafu achinopa shamwarikadzi dzake mumba mosara musina chekudya, nekudaro vakatanga kurwisana nezvibhakera.
“Ashley Chitofu anonzi aona zvibhakera zvapisa, akazonhonga chidimbu chechidhinha ndokurova nacho mukoma wake pachipfuva akabva apunzikira pasi ndokutanga kurutsa ropa,” vanodaro Insp Chitove.
Vanoti pakarepo, Cosmas akabva afa nekuda kwekurohwa nechidhinha uku.
“Ashley Chitofu anonzi aona kuti akanga apara mhosva yekuponda mukoma wake, akaputira mutumbi wacho negumbeze, achibva auisa mu‘sleeping bag’, ndokuvhara zipi, achibva anourasira mudondo padyo nedhamu reko uri mubhegi imomo,” vanodaro Insp Chitove.
Vanoti mhuka dzesango dzinonzi dzakabva dzazobvarura sleeping bag iri ndokudya mutumbi uyu dzichiita zvekubvubvudzana.
“Vagari vemudunhu iri vakazoona kuti mutumbi wemunhu waidyiwa. Vakazoongorora ndokuziva mbatya dzemufi uyu uyewo nebhegi raaishandisa jena rekumasowe sezvo aipinda chechi yeJohane Masowe weChishanu.
“Nyaya iyi yakazosvitswa kumapurisa apo Ashley Chitofu akazobvunzurudzwa nemapurisa akabvuma kuti ndiye akaponda mukoma wake,” vanodaro Insp Chitove.
Vanoenderera mberi vachiti, “Ashley Chitofu akasungwa apo nyaya iyi iri kuferefetwa musungwa achimirira kuenda mudare redzimhosva. Marangwanda emufi uyu akaendeswa kumochari achimirira kuongororwa.”




