‘Ndinotengesa zvidhoma’

Kingstone Mapupu

N’ANGA yekumindamirefu yekuVirginia, kuMacheke — asi kumusha ichibva kwaMambo Rusambo, kuRushinga — iri kubuda pachena kuti inopa kana kutengesera vanhu zvikwambo nezvidhoma — makona ainoti yakasiirwa neimwe n’anga yekuRushinga payakafa.

VaFungai Bvunzawabaya (42) kana kuti Sekuru Makombe vanoti basa rehun’anga harina kumbosiyana nehuroyi.

“Handinyare kutaura kuti ndakashanda zvakasimba nen’anga yekuRushinga yainzi (Sekuru Everitso Nhete) Chiyokoto iyo yakashaika gore rakapera uye ndiri muzukuru wavo. Makona nemimwe mishonga yavo vakandisiira, zvimwe ndokugoverawo kudzimwe hama dzavo. Ini semuzukuru, ndakatora zvikuru zvacho pamishonga yavo,” vanodaro Sekuru Makombe.

Vanoenderera mberi: “Sekuru Chiyokoto vairombesa, saka ini ndizvo zvandinoita — ndakavagara nhaka. Ukada zvidhoma ndinokupa, ukada zvikwambo ndinokupa, mishonga yetsvera nedivisi ndinayo.
“Unotora zvirimwa zvevamwe muminda yavo kana mheni ndinotengesa zvose nemishonga yacho ine nharo yekuti uite pfuma nekukasika.”

Vanoti vaigara naSekuru Chiyokoto pamuganhu weHilla Border Post, kuRushinga uyo uri pakati peZimbabwe neMozambique.

“Pandaishanda naSekuru Chiyokoto, tine vanhu vatakapa mishonga yakaipa yekuromba vemuno vekuMozambique vekuZambia nekumwewo,” vanodaro.

Vanoti kunyika dzakadai sekuSouth Africa, Malawi, Ghana neNigeria huroyi kana kurombwa zvinoitwa pachena izvo zvakasiyana nemuZimbabwe umo zvinoitwa muchivande.

“Zvino ini handihwande nekuti ndinozviziva kuti kune vamwe vanozviita vatsvene vachimhanyira kumachechi asi vavhiuya nekwatiri vachiromba kuti mumachechi avo muzare vanhu ivo voita nyanzvi pakuporofita.”

Votaura pamusoro pezviri kurehwa nemurume uyu, mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero vanoti mutemo webasa ravo sevarapi vechivanhu haubvumidze kuti n’anga kana maporofita varombese vanhu.

“Bumbiro remutemo redu sevarapi munyika haritibvumidze kurombesa vanhu kana kuita zvinhu zvinosanganisira zvehuroyi. Chedu kubatsira vanhu,” vanodaro VaKandiyero.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×