Akazvamburira mudzimai $4

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza akamiswa pamberi pedare reko achitarisana nemhosva yekurovera mudzimai wake $4 iyo anonzi akanga atora pasina mvumo yake achienda kunogadzirisa nhare yake.

Tinashe Gwadu (30) wekuUnit A ari kupomerwa kurova Nancy Chiweshe (27) nembama nezvibhakera nekumubhutsura pachipfuva.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Oliver Mudzongachiso, anoti Gwadu adzoke kudare zvakare munguva pfupi iri kutevera mushure mekumubvisisa bhero re$30 apo kutongwa kwenyaya yake kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa anoudza dare kuti nomusi waGunyana 30 gore rino nenguva dza0700hrs, pakava nekusawirirana pakati paGwadu nemudzimai wake uyo ainyunyuta pamusoro peshamwarikadzi yake.

Chiweshe anonzi akazokumbira murume wake mari yekuti anogadzirisa nhare yake asi akamunyima izvo zvakaita kuti atore $4 pasina mvumo zvinova zvakagumbura  murume uyu achibva atanga kumurova nemambama, zvibhakera nebhutsu. Chiweshe akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa uye magwaro ekwachiremba akamuvheneka akabuda mudare seumboo.

“Handina kumbomurova asi kuti iye ndiye akatondiruma,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *