IMWE chembere yakademba mudare ichiti murume wayo ave kuidzinga pamusha achiti ipfambi uye muroyi zvichitevera kutora kwaakaita mukadzi wechipiri.
Shumirai Gotore akamhan’arira Utyanadzo Gotore kuHarare Civil Court achiti ava kudzingwa pamusha wavakavaka vose, kushungurudzwa nekutukirirwa achinzi muroyi.
“Changamire, nababa ava takaita vana 12 tikavaka musha wedu. Asi nhasi vava kundidzinga pamba. Iro zera rangu izera rekudzokera kwandakaberekwa here ndichiti murume andidzinga?
“Anonditi ndiri pfambi uye ndinoroya asi hapana munhu waanokwanisa kunongedza kuti ndakaroya kana kuti ndakaita chipfambi naye.
“Nyaya iripo ndeyekuti ava nemumwe mudzimai, ava kuona kuti ini andichembedza. Asi haangandidzinge pamusha wandakavaka.
“Anoudza vanhu kuti inini ndakamupa gupuro asi kunyepa. Ndomupirei ini ndichiri kumuda? Iko zvino haasi kundichengeta uye anondirambidza kuenda kubasa kwake nekuti ndinenge ndichida kuti andipe mari yekutengawo zvekudya nekuti handichakwanisa kushanda,” akadaro Shumirai.
Utyanadzo akapikisa zvaitaurwa achiti Shumirai ane godo nekuda kwekuti ave nemumwe mukadzi.
“Mudzimai uyu ari kungorwadziwa kuti ndava nemumwe mudzimai saka ava kuita zvose izvi kuti ndiite semunhu akaipa asi barika handisini ndinenge ndatanga naro. Pandinoshandira ndakavarambidza kusvikapo nekuti vanongouya vachindipopota. Zvinhu zvinondishaisa chimiro.
“Zvekutuka ndivo vanenge vatondisvitsa ipapo nemashoko avanenge vachitaurawo,” akadaro Utyanadzo.
Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Shumirai ndokuti Utyanadzo asadzinge mudzimai wake pamba sezvo vasina kurambana.



