Amai vakatiza vana . . . ndokunodyira Kisimusi kuchikomba

MUDZIMAI wechidiki wekwaSeke, wekutiza vana vake vaviri kwesvondo rese achivasiya vari voga, akaigochera pautsi zvichitevera kubatwa kwaakaitwa nemhosva yekuitira vana utsinye ndokutongerwa kunofondoka pasina mubhadharo.

Mercy Mabaya (20), wepanhamba 15094 Zengeza 4, akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts achitarisana nemhosva yekuitira vana vake utsinye.

Mudzimai wechidiki uyu anonzi akatizira kune mumwe murume asi ndokunorambwa izvo zvakazoita kuti adzoke kumba kwake mushure mesvondo.

Vana vaakatiza vanoti ane makore mana neane mwedzi minomwe yekuberekwa.

Mutongi Lazarus Murendo akamutemera chirango chekunofondoka kwemaawa 245 paZengeza 3 High School, kuChitungwiza.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa22 Zvita gore rapera munguva dzemasikati, Mabaya akabva pamba achienda kunzvimbo isingazivikanwi uye pasina waakange ataurira achisiya pwere dzake mbiri dziri dzoga.

Muzukuru wake, Martha Mabaya (47), akazosvika pamba apa akawana vana ava vari voga ndokubva anomhan’ara kumapurisa.

Mabaya akazodzoka nomusi wa1 Ndira achibva asungwa.

Mudare, mudzimai uyu haana kuramba mhosva yake asi akakundikana kunyatsopa chikonzero chakaita kuti asiya ndumurwa idzi dzoga pamba kwevhiki rose.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×