Anofurira vana kuitira tsvina panorara baba

Amager Mufema
VAMWE samusha vanoti vaoneswa chitsvuku nemudzimai wavo uyo anonzi anotuma vana kuti vaitire tsvina pamubhedha wavo uye mushure mezvo iye ozodira mvura mumba mavanorara.

Enerst Mukundumidze akaendesa Tendai Machapa kuHarare Civil Court achiti anoda kudzivirirwa.

Mukundumidze akaudza dare iri kuti: “Ndauyawo kuti ndipihwe dziviriro nekuti mukadzi uyu zviito zvake zvandikandisa mapfumo pasi. Anofurira vana kuti vaitire tsvina pamubhedha wangu. Panopedza vana kuita tsvina, iye anobva adira mvura mumba imomo. Izvozvi pandatobva ndasiya mumba musiri kugarika nekunhuwa kwetsvina.

“Ndikamubvunza kuti ko zvaunoita izvi unozviitirei anobva atanga kunditukirira zvisina kana ani akamboona. Ini semunhu asingagone zvekutaura, ndinozongogadzirira ndozviendera kubasa.

“Asi anotevera kubasa ikoko osvikonditukirira pamberi pevakuru vangu. Ndinotogara ndichiyambirwa nevakuru vekubasa nenyaya yake mukadzi uyu, yekuuya achinditukirira kubasa.”

Machapa akapokana nechikumbiro chaMukundumbidze chekuti apihwe gwaro redziviriro achiti ainyepera dare sezvo vasingagare vose.

“Mumba maari kuti muri kuitirwa tsvina nevana ini ndozotevera ndichidira mvura ndemupi? Iye akasobva kumba kare-kare, haasi kugara pamba murume iyeyu nekuda kweshamwarikadzi dzamupengesa. Kana achiti ndinozviita zvaari kundipomera ndinokumbira kuti aunze vafakazi vanomupupurira mudare rino,” akadaro Machapa.

Mutongi Barbra Mateko akapa Mukundumidze gwaro redziviriro.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×