‘Ichokwadi asi ndakabvisa mombe dzechekahukama’

MUPOROFITA wechechi yeBlood of Jesus Ministries ari kubvuma pasina kana nyadzi, kuti akaita makunakuna apo akaroora amai vake vakatoita vana vatatu.

Prophet Chamunorwa Chiwara (46) anoti akazozviona kuti akanga akanganisa pakuroora amainini vake, mwana wehanzvadzi yaamai vake.

“Ichokwadi ndakaroora amai nekuda kwehudiki nekunyengedzana ndikazoripiswa mombe mbiri nembudzi mbiri nedare rasadunhu wedu Mwanza,” anodaro.

Mombe imwe chete nembudzi zvechekahukama anoti akazviendesa kuna sekuru vake, baba vemudzimai wake. Kuchitiwo imwe mombe nembudzi zvakaenda kumhondoro kana kuti svikiro redunhu iri uko zvakauraiwa zvikadyiwa neveruzhinji senzira yekuchenura dunhu.

“Handizive kuti kuzotadza kugarisana nemudzimai wangu uyu yaiva mhosva yekuti chivanhu here sezvo vari amai. Takazoguma tasiyana imba yacho yaramba kumira,” anodaro Chiwara.

Obvunzwa kuti vana vavakabereka hukama hwavo nekumusha kwavanasekuru vake hunomira sei, anoti inyaya yakaoma nekuti hukama uhu hwakatokanganisika kare.

Zvichakadai, Chiwara akatorana nemumwe mukadzi mutsva uyo aiva mwana wesangano ravo, Nyasha Manganhi (20).

“Hataigara zvakanaka nemudzimai wangu mukuru uyu (amai vake) sezvo kwaingova kurwisana koga. Vairara vakapfeka mbatya vasingade kana kugumwa neni. Vaiita sevasvikirwa vachiramba bonde neni nguva zhinji uye nyaya iyi ndaigara ndakaiendesa kumusha kwavo zvikaramba kugadzirika kusvikira tazosiyana,” anodaro.

“Tichitorana, vakuru vakamboramba nyaya iyi isu tikaramba kuvaterera kusvikira takachata, tikaita vana vedu vatatu.

“Dambudziko rakazotanga apo mudzimai wangu aigara akasunga mabhegi achiti aida kuenda kumusha kwake,” anodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×