‘Coach wemaWarriors mutsva munaNdira’

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Football Association (Zifa) rinoti richatanga kutsvaga murairidzi mutsva wemaWarriors munaNdira apo pachange papera kondirakiti yaJoey “Mafero” Antipas uyo akafanobata chigaro chekurairidza chikwata ichi.

Kondirakiti yaAntipas  — uyo anorairidza Chicken Inn zvakare — ichapera nemusi wa31 Zvita.

Antipas akagadzwa kuti afanobata chigaro chekurairidza maWarriors zvichitevera kusiya basa kwakaitwa naSunday “Mhofu” Chidzambwa apo maWarriors aive achangobva kumakwikwi eAfrica Cup of Nations.

Muhurukuro neKwayedza, mukushi wemashoko weZifa, Xolisani Gwesela — uyo anove zvakare competitions manager — anoti Antipas ndiye ari kurairidza chikwata ichi kusvika gore rino rapera uye vachazozivisa kuti ndiani achatora chigaro ichi.

“Parizvino Joey Antipas ndiye ari panyanga uye kondirakiti yake yatinayo ichapera musi wa31 Zvita gore rino, kubva ipapo ndipo tichazozivisa nyika kuti tave kufamba sei,” anodaro.

Achibvunzwa neKwayedza kuti parizvino Zifa yambokurukura nevarairidzi vangani kana kuti vangani vakauya kwavari vachitsvaga basa rekurairidza maWarriors,  Gwesela anoti, “Sekutaura kwandaita, tichakuzivisai kana musi wa31 Zvita wadarika apo kondirakiti yedu naAntipas inenge yapera.”

Mwedzi unotevera maWarriors achatanga kurwira tikiti rekuenda kumakwishu e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon uye Antipas ndiye ari kutarisirwa kutungamira chikwata ichi.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *