Anondishandisira mishonga pabasa

Mubvunzo:

Sekuru, ini ndine dambudziko rekuti ndinoshanda mumba, ndanetswa nagarden boy ane mishonga.

Ndiye ega anongoonekwa semunhu ini varungu havatombondione sechinhu.

Mari yapera nekufamba handizive kuti ndichabatsirika here uye ane mubobobo wanditambudza.

Ndakatobva pamba pacho, ndave kuuya kubasa ndichibva kwandava kugara kunze asi mumugwagwa mumwe chete uye ave kutevera ikoko.

Ndinotomuona kuhope ndichiita madzikirira.

Vanhu vanonditi ukaenda kuchivanhu zvinowedzera asi chondinetsa maporofita acho anobhadharisa asi hapana chabuda, mari yapera. Ndafunga kutora upenyu hwangu nokuti zvandinosangana nazvo zvakaoma. Ndaneta nekushandiswa nababa ava. Ndatambudzika Sekuru ndibatsireiwo.

Mhinduro:

Muzukuru, chekutanga usamhanye kutora upenyu hwako nekuti hapana zvazvinobatsira. Munhu iyeye achasara achingoita katsika kake kune vamwe vachauya.

Dambudziko rako iguru uye rinobatsirika uchitozogara upenyu hwakasununguka.

Murume uyu ari kushinha pauri uye ari kukutorera simba rako kuti utadze kushanda nekugara zvakanaka. Saka iwe chikurumidza kutsvaga rubatsiro kuchivanhu sekuZinatha udzorerwe simba rako. Chikwambo chaari kushandisa pauri.

Kunemi vamwe vazukuru vangave vachisangana nedambudziko serine muzukuru uyu, uyu mweya wezvikwambo.

Kana ukaona uchinzwa kunge uri kushandisirwa mubobobo, kasika kutsvaga rubatsiro nekuti unenge uchitorerwa simba rako nemishonga yakaipa iyi. Kunemi vanoita zvemubobobo, huroyi ihwohwo hwamuri kuita uye siyanani naho nekuti muri kuparadza upenyu hwevasina mhaka.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0719 421 949

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *