Tezvara nemuroora vodhonzerana imba

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUROORA akadhonzera te- zvara vake kudare redzimhosva achiti vari kumushungurudza nekumudzinga pamba kubvira pakafa murume wake.

Rosemary Chiupa akamhan’arira tezvara vake, Francis Nyani, kuHarare Civil Court achiti vari kumushaisa rugare pamba pake.

“Changamire, ndauya nechikumbiro chekuti tezvara vangu vasandishungurudza kuburikidza nekundituka kana kundidzinga pamba pandakasiirwa nemurume wangu nekuti iye zvino vave kuti ndepavo uye vanoda kuti ini ndibve pamba apa,” anodaro.

Anoti Nyani anomurambidza zvakare kushandisa midziyo yaakasiirwa nemurume wake.

“Baba vanondirambidza kushandisa zvinhu zvakasiiwa nemurume wangu, hameno kuti vanoda kuti ndiite sei chaizvo. Vanondishungurudza mukugara kwangu,” anodaro Chiupa.

Nyani anopikisana nemuroora wake achiti iye haana dambudziko naye asi kuti hanzvadzi yake ndiyo inouya ichida kutonga pamusha pake.

“Muroora uyu anonyepa, handina dambudziko naye asi hanzvadzi yake inoda kutonga pamba pangu. Gwaro raari kuda nderekuti aone kugara nehanzvadzi yake pamusha wakasiiwa nemwana wangu,” anodaro.

Chiupa anobva amugamha achiti hanzvadzi yake inongouya kuzomubatsira basa rakaita sekurima sezvo asina anomubatsira.

“Hanzvadzi yangu inouya kuzondibatsira kurima nemamwe mabasa epamba nekuti handina anondibatsira,” anodaro.

Mutongi akapa Chiupa gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *