DETEMBA TINZWE: VABEREKI

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti [email protected] kana kuzosiya pamahofisi edu ari paHerald House, muHarare. Musakanganwe zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufananidzo (passport size) kemunyori.

  naRufaro Munemo

Vabereki ngatichengete vana ava

Tivadzidzise gwara rakanaka

Gwara rokuzvibata nouchenjeri

Tikarasika pakukudza vana ava

Tinenge tarasa ramangwana

Ramangwana redu neravo

Vangazotichengeta sei isu tisina kuvadzidzisa

Vabereki ngatichengete vana ava

Vana dzangove mombe dzemashanga

Uyu aita mbavha umwe oita pfambi

Vabereki ngwarirai

Nyika yave nemeno yave kuda mubereki anomira nevake vana

Ngwarirai vabereki

Mubereki benzi anosiya vana vake vachiita mombe dzemashanga

Asi mubereki kwaye anodzidzisa vana vake

Gwara rakanaka nouchenjeri

Ngwarirai vabereki.

 

. Rufaro Munemo ari muForm 2 paZengeza High 1 School, kuChitungwiza.

  MAONERO

Uku ndiko kugona kunyora nhetembo zvakajeka, zvinonyatsoburitsa pfungwa nezvakanangwa nanyanduri. Dai vana vazhinji vachinyora nenzira yakadai, kudai nhetembo dzavo dzichitapira.

Kungoti chete Rufaro haana kushandisa zvimiso zvinoratidza mibvunzo, kuzorora nekufema. Kusashandisa zvimiso, kana kuti kukanganwa kushandisa zvimiso kunokonzera kuti nhetembo ifanane nemota inofamba isina bhero nemabhureki.

Asi nyangwe zvake Rufaro akanganwa kushandisa zvimiso, tinomuti ishasha nekuda kwekuti nhetembo inofanira kubudirira pakusvitsa mashoko nepfungwa kuvaverengi.

Chandafarira zvikuru, tisingatarise kujeka kwepfungwa dzake, kugona kuronda nekuronga pfungwa zvekuti hauna nguva yaunomborasika uchibvunza kuti nyanduri anga achida kuti chii.

Kubva pamusoro wenhetembo yake unoti “Vabereki”, zviri pachena kuti nyanduri ari kuziva vanhu vaari kuda kutaura navo, uye anotaura navo zvese kusvikira apedza asina kumbosiyana navo achitanga dzimwe nyaya.

Nyanduri wedu anogona kwazvo kunyatsoraira vabereki nekuti anotanga nekuvakurudzira kuchengeta vana. Abva ipapo, anobva asimbisa pfungwa yekuchengeta vana nekutiudza kuti kuchengeta vana kuvadzidzisa, asi kwete zvese zvese nezvisina basa, asi “gwara rakanaka.”

Anoenderera mberi nekujekesa kuti “gwara rakanaka igwara rokuzvibata nouchenjeri.”

Anotiudza zvinozoitika kana vabereki vakatadza kukudza vana zvakanaka. Semunhu ari kutaura zvegwara, anoshandisira vabereki izwi rekuti “tikarasika” – izvi zvichiratidza kuchenjera kwake pakusarudza mazwi akakodzera.

Zvakarewo ari kuti kurasika kwevabereki pakukudza vana hakuratidze kutadza basa kwavo chete, asi kunobva kwanokanganisa ramangwana revana. Nyanduri wedu anotiwo zvakare, tinenge tisina chete kurasa ramangwana revana, asi nereduwo vabereki.

Nyanduri anoona zviri mberi, chinova chinhu chinoratidza kurongeka kwake. Saka haangoperera pakutaura chinhu asina kutiudza mhedzisiro yacho.

Ndinofarira kudzokorora achisimbisa shoko rake kuvabereki paanoti, “Vabereki ngatichengete vana ava.” Uyu ndiwo mutsara waatanga nhetembo yake nawo, asi iko zvino ave kuudzokorora zvakare kuti vabereki vaone kukosha kweshoko iri.

Mamwe mashoko aanoramba achidzokorora nekupindurudza anoti, “Vabereki ngwarirai,” nerekuti, “Ngwarirai vabereki.”

Zvichireva kuti pane njodzi nengozi yaari kuona iri kubva pavabereki vasiri kuita basa ravo. Uye dingindira rake rinobuda zvakanaka mumashoko ake anoti: “Asi mubereki kwaye anodzidzisa vana vake.”

Ndafarira kushandiswa kwedimikira rekuti mombe dzemashanga. Dimikira iri rashandiswa nenzira kwayo chaiyo zvekuti yabva yajekesa hunhu hwekungoswerofamba zvisina chinangwa hwave kuitwa nevana nekuti vabereki havasi kuvadzidzisa. Wagonesesa Rufaro, ramba uchinyora.

 [email protected]

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×