Apfidza nekurumwa nemukadzi

Amager Mufema
PANA samusha vaoneswa ndondo nekugara vachirumwa pamwe nekurohwa nemukadzi wavo apo vanenge vakabatirwa banga izvo zvavamanikidza kupata musha.

Forget Rufaro akaudza dare redzimhosva reHarare Civil Court kuti ashaiswa rugare naBatsirai Taruvinga.

“Changamire wangu, ndauyawo pamberi pedare rino ndichikumbirawo gwaro rekuchengetedzwa nekuti handichina mufaro mukurarama kwangu. Mukadzi wandigere naye anondiruma, kundirova nekundisikiza nebanga.

“Pose patinotadza kuwirirana, anondirova nekundiruma,” akadaro Rufaro.

Akati akatopata musha wake uye ave kugara kuhanzvadzi yake nekuda kwepfumvu yaari kuoneswa naTaruvinga.

“Ndakatobva pamusha pangu musi wa5 Kurume mushure mekunge ndasikizwa nebanga nemukadzi wamunoona uyu. Iye zvino ndave kutogara nasisi vangu saka ndinokumbirawo kudzivirirwa ndidzokera pamusha wangu,” akadaro Rufaro.

Taruvinga akapokana nezvainge zvataurwa naRufaro zvekuti anomurova nekumuruma.

“Handirumi murume kana kumurova asi kuti iye ndiye anotondirova,” akadaro Taruvinga.

Akati akangotora banga sechombo chekuzvidzivirira apo airohwa naRufaro.

“Mambo wangu, pari kunzi nemurume uyu ndaida kumubaya nebanga kunyepa. Aindirova tiri mumba saka ndakabuda panze ndikanotora banga pasink ndikabva ndamuti ukauya pandiri ndinokubaya.

“Ndizvo ndakaita chete nekuti ndaizvidzivirirawo,” akadaro Taruvinga.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Rufaro gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vaifanirwa kugara murunyararo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×