Ndinofara zvikuru kuChelsea: Conte

MURAIRIDZI mutsva weChelsea, Antonio Conte, anoti anofara zvikuru kuve kuchikwata ichi uye anotarisira kushanda zvakanaka nevatambi pamwe nevaridzi vacho.

“Ndiri kunzwa manyukunyuku kupihwa mukana wekushanda kuchikwata cheChelsea Football Club. Ndinofara zvikuru kuve murairidzi wenyika yangu uye nekumuve murairidzi weChelsea nekupihwa kwandaita basa iri.

“Ndiri kutarisira zvikuru kusangana nemunhu wose kuchikwata ichi uye nekutanga kushanda mazuva ose tichikwikwidza muPremier League,” akadaro.

Muchinda uyu, uyo ane makore 46 okuberekwa, akasayina kondirakiti yemakore matatu nemaBlues uye achatanga basa kana apedza kutungamira nyika yake yeItaly kumutambo weEuro uchatambirwa kuFrance.

Mutambo wake wekutanga uchange uri wehushamwari apo chikwata chake chichasangana neLiverpool munguva pfupi iri kutevera.

Zvikwata zviviri izvi zvichasangana kuPasadena, kuCalifornia musi wa27 Chikunguru mumitambo yazvo yekutanga yagadziriro dzekutanga kwemwaka mutsva.

Mazuva maviri anotevera, aimbove murairidzi weJuventus – Conte – achasangana neReal Madrid kuMichigan Stadium inove nhandare huru muUSA iyo inopinda vanhu 108 000.

Mutambo wekupedzisira weChelsea kuAmerica ichasangana neAC Milan musi wa4 Nyamavhuvhu.

Chelsea yakazivisa nguva yadarika kuti Conte achave murairidzi wayo zvichitevera kupera kwemitambo yeEuro 2016.

Conte ndiye achaita murairidzi wechi10 weChelsea zvichitevera kutengwa kwakaitwa chikwata ichi naRoman Abramovich mugore ra2003. — Sky Sports News

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×