chitunha chakabuda nepachisuvi

PAPURAZI re“Mandebvu” kana kuti Rumanda, kuStapleford pedyo neHarare, kwakaitika mashura nezviratidzo masvondo adarika. Dzimba dzinodarika 60 dzakabatira moto pakatsva mukadzi aive nepamuviri nemwana wake chindumurwa apo veruzhinji vainge vakaungana parufu mukomboni uko panguva iyi chitunha chemumwe murume chaiburitswa nepachisuvi chemba kuti chinovigwa.

Chinoshamisa vagari vepapurazi iri ndechekuti panguva imwe cheteyo apo bhokisi raiva nechitunha raiburitswa nepachisuvi chemba kuti chinovigwa, ndipo pakabatira moto wakapisa amai nemwana wavo zvekuita dota, dzimba dzakawanda ndokuparara.

Komboni iyi yakatsva apo mutumbi waSekuru Mariko Benjamin (82), avo vakashaya mushure mekurwara nemusana, wainge woendeswa kumakuva.

Sekuru Benjamin vanonzi vaiva mutambi wezvigure aizivikanwa munzvimbo iyi.

Muchakabvu anonzi akamborwara akaendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals ndokuzodzoswa kumba uko kwakazoungana vatambi vezvigure vachiita “basa” ravo.

Tsika dzechivanhu dzinotevedzwa panoviga mufi dzinosiyana nzvimbo nenzvimbo uye rudzi nerudzi. Chakaita kuti veruzhinji vanetseke nezvakaitika paMandebvu ndechekuti moto wakabatira panguva iyo vanhu vaive parufu vaiburitsa chitunha nepachisuvi.

Mudzimai wemufi, Mbuya Esnathi Benjamin (63), vanotsinhira kuti mutumbi wemurume wavo wakaburitswa nepamusoro pemba, pachisuvi — kwete nepamusiwo — apo wainge wava kunovigwa.

“Baba vaitamba zvigure, saka itsika yavo. Vamwe vavo vakavachema ndokuzoburitsa bhokisi raiva nemutumbi nepamusoro pemba, pachisuvi, setsika dzavo kana kwafa munhu wezvigure. Handizive kuti vanozviitira chii,” vanodaro Mbuya Benjamin.

“Kana munhu wezvigure afira kuchipatara, achibva kumochari anosvikopinzwa mumba nepamusoro pemba. Pakubuda zvakare voita zvimwe chete.

“Pazvakaitwa hazvina kutishamisa nekuti seni, ndakaona zvichiitwa kuvanhu vatatu muno avo vakanga vashaika uye vaitamba zvigure. Havapinde kana kubuda nepamusiwo,” vanodaro.

Kune vamwe vane fungidziro yekuti moto uyu waive nechekuita netsika yekuburitsa bhokisi rine chitunha nepachisuvi.

“Ini semunhu asingazive nezvenyaya dzezvigure, ndakabvunza vacho vakuru vemutambo uyu vakanditi ndiyo tsika yavo vachibva vagumira ipapo,” vanodaro Mbuya Benjamin.

Vanoti murume wavo ainge akataura achiri mupenyu kuti kana afa anoda kuzovigwa patsika dzezvigure. “Saka takatevedza zvido zvavo, hapana zvimwe zvakaitwa kunze kwekusimudza bhokisi richiburitswa nepamusoro pemba. Hapana mishonga yakashandiswa uyewo hazvinei nekutsva kwakaita dzimba muno,” vanodaro.

VaChengetai Sitaera (39), avo vanotamba zvigure uye vaivepowo pachiitiko ichi, vanoti hapana chinoshura pakuburitsa mumba bhokisi rine chitunha nepachisuvi sezvo iri tsika yavo.

“Havasi vose vanotamba zvigure vanovigwa mitumbi yavo ichisimudzwa nepamusoro pedzimba, vamwe vanongovigwa sezvinoitwa vamwe. Tine zvigure zvekuMalawi nezvekuZambia, baba vakafa ava vaibva kuMalawi uko tsika yekuvigwa mabhokisi achisimudzwa nepamusoro pemba inoitwa. Asi vekuZambia vazhinji havadaro,” vanodaro. Vakazotsanangurawo tsika dzinotevedzwa muzvigure vachiti pakudzidziswa kana vanhu vari vatsva vanoenda kunovaka misososo kumakuva.

“Kana kuine vanhu vatsva vapinda gule, kunovakwa misososo kumakuva senzira yekuti kusawanikwe vanhu vanosvikako vachidzidziswa tsika.

“Nyama yehuku inodyiwa asi kwete iri mbishi sezvinotaurwa nevamwe uye zvekuti munhu akadzingirirwa nezvigure akakuvara chironda chacho hachipore inhema. Uyewo zvekuti vakadzi vane pamiviri vakaenda kuzvigure vana vavo vanofa kana kumboburitswa mudumbu vozodzoserwa kuvhundutsirana bedzi.”

VaSitaera vanoti nyaya iripo bedzi ndeyekuti vanotyira kuti madzimai ane pamuviri kana vakaona zvigure vanogona kuzvara vana vane nhodzera dzezvigure.

“Ichokwadi kuti kuzvigure kunoshandiswa mishonga asi handigone kukutaurirai. Iye zvino tave kuhaiwayo kumitambo yakaita sekumichato tichinofadza vanhu,” vanodaro.

Zvisinei, murume uyu akatsenga-tsenga mukanwa apo akabvunzwa nyaya yekuti zvigure zvinotamba nenyoka.

MuZimbabwe, vanhu vanovigwa zvakasiyana. Kune vamwe vanoti kana nguva yekuenda kumakuva yasvika, vanotanga vatenderera imba vakatakura bhokisi rine chitunha uye vamwe vanoti izvi zvinoitwa senzira yekuti mufi awonekedzane nemusha wake.

Asi iyi yekuti chitunha chinoburitswa mumba nepachisuvi haiitwe kunzvimbo dzakawanda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×