Jairirai upenyu hutsva – NAC

Muchaneta Chimuka NATIONAL AIDS Council (NAC) inoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire upenyu hutsva hwavepo hwekupfeka mamasiki, kugeza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko senzira yekudzivirira Covid-19.…

Chembere yoroverwa kutaura chokwadi

Kingstone Mapupu CHEMBERE iya inogara mumusha weGlen Norah A, muguta reHarare yekugara ichirohwa nemwanakomana wayo gotwe ichipomerwa kuti muroyi uye ichida kutorerwa imba, yakazorikitwa zvakare mushure mekuita hurukuro neKwayedza ichinzi…

Covid yovhiringa varimi vemombe

Muchaneta Chimuka PANGUVA iyo varimi vemombe nembudzi dzemukaka vari kushungurudzwa nekunyuka kwakaita Covid-19 munyika muno, kambani yeNestle Zimbabwe svondo rapera yakabatana neruzhinji rwenyika mukucherechedza zuva reWorld Milk Day senzira yekupa…

Vorwisa Covid nemitambo

Kingstone Mapupu SANGANO rinoona nezvemitambo mumusha weWarren Park nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza guta reHarare rinoti riri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekusimudzira matarenda evechidiki mumitambo. VaFidelis Dhliwayo (34), avo vanova mumwe wevavambi…

Tiri panjodzi: Roki

Kingstone Mapupu MUIMBI ane mukurumbira mumusambo weUrban Grooves, Rockford “Roki” Josphat, akabura dambarefu idzva rine nziyo dziri pamusoro pekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19. Roki (30) akatsikisa dambarefu rinonzi “Zvichida Kune Nhamo”…

Mitemo yakananga kumisa Covid itsva

Muchaneta Chimuka SENZIRA yekudzivirira kupararirwa kwechirwere chemhando itsva yeCovid-19 icho chakatangira kunyika yeIndia (India variant), Hurumende yava kuona kuti vashanyi vose vanobva kunyika iyi vanofanira kuvhenekwa vachiratidza magwaro avo ekuti…

‘Tazogariswa mudhishi’

Muchaneta Chimuka MUIMBI wemusambo weSungura asingaone, Daniel Gonora (50), anoti chirwere cheCovid-19 chamudzosera kumashure zvikuru sezvo achirarama nekuridza mimhanzi pachaunga chevanhu izvo zvisiri kutenderwa pari zvino. “Mukuimba kwandinoita ndinorarama nechaunga…

‘ITONWA WETI YANGU UPORE’

Kingstone Mapupu, Beatrice Gadaga naMary Chimenya MURUME anogara kuUnit A, kuChitungwiza, arikuti akashereketerwa nekuiswa runyoka kana kuti rukawo nemukadzi aimbova shamwarikadzi yake zvikakonzera kuzvimba kwegumbo rake uye mudzimai uyu anonzi…

AMAI VOKINDITSWA NEMWANA GOTWE

Kingstone Mapupu CHEMBERE inova shirikadzi yemumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, inoti yaoneswa nhamo nekugara ichirikitwa kurohwa nemwanakomana wayo anova gotwe zvekuti pari zvino iri kufunga kuzviuraya nekuda kwekushungurudzwa uku.…

Mai vane mwana kumusana vakachipisa mbavha yefoni

Abel Zhakata ari kwaMUTARE MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa anogara mumusha weSakubva, kwaMutare, uyo aive akabereka mwana kumusana, anonzi akarwisana nembavha yaida kumubira handbag rake zvikazoita kuti tsotsi iri ritize…

×
×