Muzukuru muchizarira, mbuya vari kunze

Muchaneta Chimuka MUZUKURU wekunzi akabatsirana naambuya vake vava chembere kuba mombe pane rimwe purazi riri kuBeatrice akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemakore manomwe. Tendai Musonza (19) akapihwa mutongo uyu mushure mekubvuma…

Mayunivhesiti ovhurwa

Boitumelo Makhurane MAYUNIVHESITI emuno ari kuvhurwa svondo rinouya apo varairidzi vachafundisa vakatarisana nevadzidzi inonzi “face-to-face-learning” pamwe nekunyorwa kwebvunzo uye izvi zvichaitwa pachitevedzwa mitemo yekudzivirira Covid-19. Zvikoro zvepamusoro izvi zvakamisa fundo…

‘Munotikoshera imi vanhukadzi’

Muchaneta Chimuka HURUMENDE inopembedza mabasa ari kuitwa nevanhukadzi avo vakazvipira kubatsira mukurwisa chirwere cheCovid-19 munharaunda dzavagere (social workers) kusanganisira kupepa varwere nekupa dzidziso yakakosha pamusoro pedenda iri. Vachitaura pakucherechedza zuva…

Mabvuku yochema nekushaya mvura

Muchaneta Chimuka MADZIMAI anogara mumusha weMabvuku neweTafara, muHarare, vari kuchema nekunetsa kuri kuita mvura yekushandisa ikoko vachiti kana dambudziko iri rikanonoka kugadziriswa rinogona kukonzeresa zvirwere zvemanyoka kana cheCovid-19. Vachitaura neKwayedza…

Akanorasa kamwana kumakuva

Kingstone Mapupu MUDZIMAI wekuKadoma akasungwa nemapurisa eko achipomerwa mhosva yekusunguka mwana achibva anokanda kasvava kacho mukati memakuva nechinangwa chekuti kasare kachifa iye aenda. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate…

Vanasikana vobatsirwa

Abel Ndooka SANGANO reVaChirenda Centre of Hope riri kubatsira mukusimudzira dzidzo yevanasikana panguva ino nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekuvapa mabhuku ekunyorera nemidziyo yekushandisa panguva yavo yekutevera pachena. Mutungamiriri…

Jekiseni reCovid harina njodzi: MCAZ

Emmanuel Kafe MISHONGA mina yekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) — iyo yakabvumidzwa kuti ishandiswe munyika muno nedare reCabinet — haina njodzi kuvanhu zvichitevera ongororo dzakasimba idzo dzakaitwa nenyazvi dzezveutano apo yakange…

Akarutsa datya benyu

Kingstone Mapupu MUDZIMAI anogara mumusha weShenton Park uri kuMt Hampden anoti svondo rapera akarutsa zidatya benyu mushure mekurwara kwemakore maviri apo airinzwa richichema riri mudumbu make. Zidafi iri vakazoriuraya nekuridira…

Ngozi yatsano yoda ‘Top-up’ yemombe 2 . . . pakamboripwa dzimwe 26

Tendai Gukutikwa ari kuCHIMANIMANI MWEYA wengozi yemurume anonzi akapondwa nehanzvadzi yemukadzi waaidanana naye makore 50 apfuura unonzi uri kutambudza vemhuri yanyakuponda uchiti unoda kututsirwa dzimwe mombe mbiri pamusoro pedzimwe 26…

Kure kwegava ndokusina mutsubvu

naWedzerai Nhemachena Mutsubvu muti wemusango unobereka muchero unonzi tsubvu. Tsubvu dzinonaka chaizvo, vari padare rino avo vakakura vachifudza mombe vanozviziva. Mutsubvu unowanikwa kunzvimbo dzakawanda muZimbabwe. Mbiri yekunaka kwemuchero uyu wakasvika…

×
×