Zvimwe zvirwere zvonetsa
Tandayi Motsi SANGANO rezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti kuuya kweCovid-19 kwaona zvirongwa zvakawanda zvekurwisa zvirwere zvinosanganisira polio, gwirikwiti nemabayo zvichimbomiswa, asi iye zvino pave nenjodzi huru yekuti…
Kupondwa kwaTapiwa: Mukadzi asungwa
Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anoti asunga mumwe mudzimai nenyaya yekupondwa kwemwana wekwaMangwende, kwaMurehwa, uyo ane mutumbi wakazowanikwa wakabviswa musoro, makumbo nemaoko. Izvi zvinotevera kusungwa kwevamwe vanhu vaviri…
Tava munzara: Vavezi
Kingstone Mapupu VANHU vanoita mabasa ekuveza zvinhu vachitengesa panzvimbo yeMbudzi Round About iri mumugwagwa waSimon Mazorodze, muguta reHarare, vanoti vari kusangana nedambudziko rekushaya vatengi kubvira pakatanga chirwere cheCovid-19. VaProsper Gwanzura…
Covid ichiriko: VP Chiwenga
Mukudzei Chingwere KUBUDIRIRA kuri kuitwa neZimbabwe mukudzivirira kupararira kweCovid-19 hakufanirwe kutorwa sekuti hondo yekurwisa denda iri yatopera sezvo njodzi yekunyuka kwechirwere ichi kechipiri ichiripo. Vanhu vakawanda vave kuvarairwa uye havachatevedza…
Handina kufa ini: Pastor Charamba
Abel Ndooka MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira – Pastor Charles Charamba – vari kukatyamadzwa nemashoko emanyepo ari kuti vakashaya mutsaona yemotokari. Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera padandemutande reFacebook neWhatsApp achiti…
‘Musangomirira kuitirwa zvose’
Muchaneta Chimuka VABEREKI vari kukurudzirwa kutsigira vana vavo nemidziyo inodzivirira kutapurirana chirwere cheCovid-19 muzvikoro inosanganisira mamasiki sezvo kurwisa denda iri risiri basa reHurumende chete, asi remunhu wose. Kurudziro iyi yakaitwa…
Covid-19 yaondonga mabasa ekurima
Muchaneta Chimuka ZIMBABWE iri kutsigira musangano uri pamusoro pekukosha kwekuchengetedzwa kwechikafu we31th Session Food and Agriculture Organisation Conference for Africa kwemazuva matatu panguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19…
Vanhu 5 vakafa neCovid pazuva
Tandayi Motsi VANHU vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 muZimbabwe nemusi weMuvhuro bedzi izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevafa nedenda iri kubvira parakatanga muno muna Kurume wegore rino hukwire kusvika pa242. Kusvika…
Mwana wekutsakatika awanikwa
Kingstone Mapupu MWANA wekwaMurehwa wemakore gumi nemaviri okuberekwa – uyo wekubuda munhau achinzi haazi kuzivikanwa kwaari – anonzi awanikwa. Wengai Gukwe wemubhuku raTsiga, kudunhu raMambo Mangwende, ange asiri kuonekwa kubva…
‘. . . Bulawayo ngaingwarire’
Thandeka Moyo-Ndlovu ari kuBULAWAYO NZVIMBO yeElangeni Training Centre iri kuBulawayo yakavhurwa zvakare nemusi weMuvhuro uno zvichitevera kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 mushure mekuvhenekwa muguta iri.…









