B & P ndivo shasha

Vana vepo vanorova chikoro
CHIKORO cheB & P Study Centre Primary School ndicho chakatora mubairo mukuru mumakwikwi eSeke District Merit Awards zvichitevera kubudirira kwevana vepo kudarika vezvimwe zvikoro mudunhu iri pabvunzo dzeGrade 7 Zimbabwe School Examinations Council dzegore rapera.

Mugore ra2015 pabvunzo dzeGrade 7, vana vepachikoro ichi vakabudirira nechikamu che100% uye 12 vavo vakabuda nema4 yunitsi.Mudunhu rose reSeke, kubva muzvikoro zvinodarika 49, vana 18 vakabura ma4 yunitsi zvichireva kuti vakawanda vacho vaive vepaB & P.

School adminstrator wechikoro ichi, VaElias Mhandu, vanoti vana vavo vari kubudirira nekuda kwekuti vanokoshesa dzidzo. Vanoti gore radarika, vana vakanyora bvunzo dzeGrade 7 pachikoro chavo vaive 68 apo 48 vavo vakawana mayunitsi anobvira pa4 kusvika 10.

“Zvimwe zvikoro zvinoshamisika kuti tinozviita sei kuti gore negore tisu tinenge tichingokumba mibairo. Inyaya yekuti tinoshanda nesimba kusimudzira dzidzo yevana.

“Kubva Grade 5 kusvika 7 chidzidzo chega-chega chine murairidzi wacho anenge achichidzisa izvo zvatakaona kuti zvinobatsira vana sezvo varairidzi ava vanonyatsotora nguva yekushanda nevana,” vanodaro VaMhandu.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *