DeMbare ingamise CAPS here?

Abel Ndooka
NZIRA dzose svondo rino nemusi weSvondo dziri kunanga kuNational Sports Stadium muHarare apo makara asingaonani CAPS United neDynamos FC zvichasangana mumutambo weHarare Derby. Kubva kare, vatsigiri venhabvu vanoziva mutambo uyu wakaoma zvikuru uye pose paunowanzotambwa chikwata chinohwina ndicho chinobva chatora mukombe wePremier Soccer League.

Zvakadaro, kwengu varefu mwaka uno, FC Platinum ndiyo yange ichingotungamira palog asi svondo radarika kukundwa kwayakaitwa neHarare City zvakabva zvashandura zvinhu sezvo chikwata chaLloyd Chitembwe (CAPS United) chakakunda Border Strikers 3-1 zvakabva zvachisimudzira kuenda pamusoro pelog.

Kwasara mitambo mina chete kuti mwaka wa2016 wenhabvu uchipera uye Kepe-kepe inofanirwa kuhwina mitambo yayo yose, kutanga newesvondo rino apo ichasangana neDeMbare. DeMbare, mumutambo uyu iri kuda kutsividza kukundwa kwayakaitwa mwaka uchingotanga apo parikitwa 1-0 neKepe-kepe mushure mekunge yapedza makore matanhatu isati yambokundwa.

Izvi zviri kureva kuti DeMbare, iyo iri kurairidzwa naLloyd Mutasa, inotofanirwa kurwa semvumba. Zvakadaro, FC Platinum svondo rino iri kusangana neNgezi Platinum uye ichange ichidya marasha zvichitevera kubviswa kwayakaitwa pamusoro pelog neCAPS United svondo rapera.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *