Baba vapondera mwana (2) ruzha rwekuchema

Munyori weKwayedza

MURUME wemubhuku raMusvuti kwaMambo Marambo kwaCharandura, kwaChirumhanzu anonzi akaponda mwanakomana wake ane makore maviri ekuberekwa zvichitevera kuramba achichema uko aiita apo airwara.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa17 Chikumi munguva dzemanheru.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mwana uyu akaramba achichema sezvo airwara apo baba vake, Tatenda Marinda (25), akazobuda naye panze achiti aida kumunyararidza achisiya mudzimai wake arere mumba.

“Mangwanai ezuva rakatevera, mudzimai waMarinda akamuka ndokuona kuti murume wake zvose nemwana uyu vakange vasimo mumba.

“Pakazorongwa chikwata chevanhu chekutsvaga vaviri ava apo mutumbi wemwana uyu wakawanikwa uri mugoronga asi Marinda haana kuonekwa,” vanodaro Inps Mahoko.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinokumbira veruzhinji vane mashoko anokwanisa kuita kuti munhu ari kufungidzirwa kuti akapara mhosva iyi azivikanwe kwaari kuti vataurira mapurisa ari pedyo navo zvigobatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi.”

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *