Mubobobo: Murume abatwa aine murwi wemabhurugwa echikadzi

Tendai Gukutikwa

MURUME wekuBuhera akabatwa aine murwi wemabhurugwa echikadzi anodarika 30 ayo anofungirwa kuti aishandisa mukuita mabasa emubobobo.

Augustine Marimo, ari kupomerwa mhosva yekuba zvipfeko zvemukati zvevanhukadzi izvi panzvimbo dzekugezera pamwe nepatambo panoyanikwa nhumbi nemadzimai kuti dziome kunharaunda yaNemhari kuBuhera.

Izvi zvakabuda mudare raSadunhu Nemhari nguva pfupi yadarika apo vakashevedza madzimai akasiyana, Marimo pamwe chete naamai vake, Mai Fridah Chiweshe.

Mumwe wevanhukadzi ava, uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe nekutya kuzove chiseko, anoti akashamisika kuwana chimwe chipfeko chake chemukati chaanokoshesa chiri pakati pezvakabiwa izvi.

“Ndakapinda mudare nekuda kuziva. Ndakafunga kuti aingova makuhwa. Ndakavhunduka pandakaona rimwe bhurugwa rangu riri pamurwi uya. Handina kana kumboona kuti rakanga rakabiwa kumba. Chipfeko chemukati ndinochikoshesa. Ndakanzwa kuti murume uyu akanga ari kushandisa zvipfeko zvedu mukuita mabasa ehushereketwa achiita mubobobo nesu tisingazive,” anodaro.

Mudzimai uyu akatsanangura mashandisiro anonzi Marimo aiita mabhurugwa aya achishinha nevakadzi ivo vasingazive.

“Takamubvunza kuti sei aita zvinhu zvakadai, akatiudza kuti anoisa zvipfeko zvemukati izvi pamubhedha wake, obva atanga kushinha nevakadzi vanova varidzi vezvipfeko zvacho ivo vasingazive asi kwaari anenge achiona sevaripo,” anodaro mudzimai uyu.

Anoti kuita uku kwakanga kwava kukanganisa wanano yake.

“Mubhedhuru mangu mainge matonhora kureva kuti ndainge ndisisina kana chido chekusasana nemurume wangu kwemakore maviri kubvira pandakashaya chipfeko changu chemukati. Murume wangu akasvika pakukanda mapfumo pasi,” anodaro.

Anotiwo Marimo akarerura kuti anonzwa izwi remunhu asingaonekwe richitaura naye izvo zvinomumanikidza kuba mabhurugwa evakadzi achimashandisa mukuita mubobobo.

“Akaramba kuburitsa zita remuridzi wezwi iri, achiti munhu uyu akamuyambira kuti anyarare nekuti akadura aizotarisana nematambudziko,”  anodaro.

Mumwe mudzimai, Muzvare Stella Magumbo,  vanoti vagari vemunharaunda iyi vakasara vakaoma mate mukanwa apo vanhukadzi vaiona mbatya dzavo dzemukati idzo dzakashaikwa dzave kubudiswa musaga raive nemurume uyu.

Vakadzi ava vakasiya mabhurugwa avo aina Marimo mushure mekuwanikwa kwawo.

Amai vake, Mai Chiweshe, vanoti havana kumbobvira vafungira kuti mwananakomana wavo ane chekuita nenyaya yakadai.

“Nhasi handizivi kuti aripi, asi ndichaita kuti zuva redare rinotevera auye, mabhurukwa acho akawanikwa akabvuma kuti anawo. Takamboshanyira maporofita enguwo chena tiinaye pamwe chete nevanhukadzi vaakabira kuti tizive kuti vakakanganiswa zvakadii nemubobobo wacho,” vanodaro.

Mai Chiweshe vanoti mararamiro avakanga vava kuita pamusha pavo ainge asisina kumira zvakanaka sezvo madzimai akabirwa mabhurugwa aya aiuya pamba pavo kuzonetsana naMarimo.

Vamwe vevanhukadzi ava vanoti vanoda kudzoserwa zvipfeko zvavo zvemukati uye vamwewo vachida mhinduro dzavasingakwanise kuwana.

Kunyange zvazvo Marimo akatadza kumira pamberi pedare, Sadunhu Nemhari havana kuvanza kushushikana kwavo nekuda kwenyaya iyi.

“Izvi zvakaipa, kuba zvipfeko zvemukati zvevakadzi haisi mhosva yekuba chete, asi kuti kushungurudza mumweya, zvinonyadzisa uye hazvitenderwi,” vanodaro.

Vanoti mumaonero avo sedare, zvinoratidza kuti Marimo akanga asiri kuita zvemubobobo izvi ari ega.

“Pane zviratidzo zvekuti murume uyu ari kushandiswa nedzimwe hama dzake kana munhu wepedyo naye. Haasi kugara zvakanaka, anoda kucheneswa, anofanira kuenda kune vanobatsira (n’anga kana maporofita) kuitira kuti achenurwe,” vanodaro.

Sadunhu Nemhari vanoti kureurura kunonzi kwakaitwa naMarimo kwakanaka chose sezvo kunoratidza kuti kumberi kune chiedza.

Marimo akadanwa kuti auye kudare munguva pfupi iri kutevera.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×