Baba vaurayira mwanakomana US$1

Yeukai Karengezeka

MURUME ane makore 52 okuberekwa wekuDzivaresekwa,muHarare akamiswa mudare nemusi weChina svondo rino achipomerwa mhosva yekuponda mwana wake wekubereka panguva yekunetsana kwemhuri yake nekuda kweUS$1.

Tinei Katsiru akamiswa mudare reHarare Magistrates’ Court pamberi pemutongi VaTapiwa Kuhudzai ndokunzi adzoke zvakare nemusi wa27 Nyamavhuvhu apo anenge ari muhusungwa.

Akaudzwa kuti kana achida kupihwa bhero anonyorera chikumbiro chake kudare guru reHigh Court.

Muchuchisi Mai Nomsa Kangara vanoti nyaya inosuruvarisa iyi yakaitika nemusi weChipiri svondo rino nenguva dza7:30pm pa107/A Mudyiwa Street, kuDzivaresekwa 1.

Musungwa uyu anonzi akabaya mwanakomana wake, Clive Kudzaishe Katsiru, nebanga reokapi zvichitevera kunetsana kwaiita nemunin’ina wake.

Kunetsana uku kunonzi kwakatanga apo Clive airova munin’ina wake, Denias Katsiru, uyo asingaone zvakanaka.

Denias akanga akweretesa Clive US$1 uye nyaya iyi inonzi yakakora muto apo baba vake vakapindira kuti asarambe achirova munin’ina wake.

Tinei anonzi akakandirana mashoko makobvu nematete nemwana wake uyu akazoguma abaya Clive padumbu nebanga.

Akabuda ropa rakawanda paronda raakabaiwa iri ndokumhanyiswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko akasvika akachinzi akange afa.

Mapurisa akatsinhira kuti nhengo dzemhuri iyi dzinosanganisira Alicia Katsiru, Memory Sopo, Denias Katsiru naShalom Katsiru, vakaona chiitiko chekubayiwa nebanga ichi.

Banga rakashandiswa mukuparara mhosva iyi pamwe chete nehembe dzemusungwa dzaive neropa zvose zvakatorwa uye zvichaburitswa mudare seumbowo.

Ongororo yakaitwa nanachiremba mushure mekufa, yakaratidza kuti Clive akafa nekuda kwemaronda ekubaiwa nebanga.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×