Moreblessing Ncube
MURUME ane makore 42 okuberekwa wekuNkayi akamiswa pamberi pedare nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wake ane makore 16 okuberekwa kakawanda.
Musungwa uyu, uyo asina kudomwa nezita kuitira kuchengetedza mumhan’ari, akaudza dare kuti mwanasikana wake ainakidzwa nekumubata kwaaiita chibharo sezvo asina kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Akamiswa pamberi pemutongi Bulawayo Regional Magistrate, VaMark Dzira, avo vakati anofanira kudzoka kudare munguva iri kutevera apo anenge ari mutirongo.
Muchuchisi VaJethro Mada vakaudza dare kuti nyaya idzi dzakaitika kubva mwedzi usingazivikanwe mugore ra2024 kusvika munaChivabvu gore rino.
Vanoti muna2024, dzimwe n’anga dzakashanyira musha wemusungwa, dzichida kuzodarikira kuenda kumusha kwavatezvara vake.
“Mudzimai wemumhan’ari akaperekedza n’anga idzi achisiya musungwa aine mumhan’ari nemunin’ina wake pamba. Musungwa anonzi akaudza mwanasikana wake mudiki kuti abve pamba aende kunotamba izvo zvakaita kuti asare aine mumhan’ari,” vanodaro.
Anonzi akasara achimubata chibharo uye ndokuzomutyisidzira kuti aizomuuraya nepfumo nedemo kana akaita zvivindi zvekuridza mhere kana kumhan’ara kunaani zvake.
Mwana uyu akaudza dare kuti baba vake vamutyisidzira vachiti kana akaudza amai vake vaizomuuraya uye vozozviurayawo nekuzvisungirira.
Mumhan’ari akaudza amai vake mushure mekubatwa chibharo asi vanonzi vakati vaizoongorora musungwa kuti vaone kana achiramba achidzokorora kumubata chibharo.
Mumwe musi gore rino, apo amai vemumhan’ari vakaenda kuEsingeni, musungwa anonzi akadzokorora kubata mwanasikana wake chibharo achimutyisidzira zvekare nepfumo nedemo.
Pakadzoka amai vake, mumhan’ari akavaudza nezvenyaya iyi, asi vakazeza kutaura nemusungwa vachityira kuti aigona kuzovauraya.
Rimwe zuva zvekare apo amai vemumhan’ari vakaenda kwaDlawa, mumhan’ari aitsvaira mumba apo musungwa anonzi akamutyisidzira nepfumo nedemo achibva amubata chibharo.
Mwana uyu akazoudza amai vake zviri kutsi kwemwoyo wake asi havana zvavakaita zvakare.
Mumhan’ari ndipo paakamhanya kunotaura nyaya iyi kuna vatete vake apo yakazomhan’arwa kumapurisa.
Achizvidzivirira mudare, musungwa akati zvinotaridza kuti mumhan’ari aifadzwa nekumubata kwaaita chibharo sezvo asina kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa pakutanga.



