Mayweather, McGregor votatsurana

EDDIE Hearn anoti mutambo waFloyd Mayweather naConor McGregor shasha yeUFC hauenderane. Mayweather – uyo asina kumbobvira ambokundwa mutsiva – anonzi ari muhurukuro yekuti adzoke kuzorwa naMcGregor gore rino.

Mutsiva, Mayweather akarwa ka49 akahwina mitambo yake yose kozoti McGregor – uyo anokwikwidza muMMA – akwanisa kutamba mitambo 24 akahwina 21 ndokukundwa mitatu.

Hearn, uyo anove puromota wetsiva achishanda nevatambi vanoti Anthony Joshua, Kell Brook naTony Bellew, anoti ane vatambi vechidiki vanokwikwidza kuYork Hall vaanofunga kuti vanogona kukunda McGregor. Anoti zvakare anoyemura McGregor mashandiro aanoita mabhizimisi ake uye akawana mukana wekumurongera mutambo anoenda achimhanya.

Achitaura neThe Guardian, Hearn akati, “Handina hangu basa neMMA asi ndange ndichiyemura mashandiro aConor McGregor basa rake.

“McGregor mumwe wevatambi vepamusoro muMMA asi ndine vatambi vari kusimukira mutsiva kuYork Hall vanomudashura mumutambo wetsiva.” – SportsMail Boxing

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×