Batsirai mudzimai anoda kuvhiiwa musoro

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wechidiki, Carol Tsitsi Marufu (37),  ari kutsvaga rubatsiro rwemari inosvika US$6 000 yekuti avhiiwe mumusoro uye muchibereko zvichitevera kurwadziwa kwakanyanya kwaari kuitwa nemuviri rinova dambudziko rakanyuka kubva pakubarwa kwake.

Marufu anoti anogara achitemwa nemusoro zvichitevera kusaumbika zvakanaka kwakaita mamwe mabhonzo emumusoro uye masero anogadzira uropi.

Anoshandira kambani yeZimpapers kuchikamu cheZimpapers Television Network (ZTN).

“Ndiri munhu anogara achitemwa nemusoro zuva nezuva zvekuti dzimwe nguva mapiritsi haachatoshandi pandiri. Ndakaenda kwachiremba anoona nezvemusoro vakati ndine dambudziko reChronic Neurological Condition. Dambudziko iri rakatanga pakubarwa kwangu uye ndiri kuramba ndichirasikirwa neropa zvichitevera kunyuka kwema’Fibroids’ muchibereko,” anodaro.

Vangada kubatsira Marufu vanoshandisa nzira dzinotevera:* PayPal / Credit Card: –paypal.com/donate/?hosted_button_id=ULZLHTM2CQ6DS

* Ecocash/Innbucks/ O”Mari:-

077 284 5714 – Carol Tsitsi Marufu

GOAL:- Prayer, Donations & Sharing – Reference Gift +263712976643

#FightForLife #SupportCarol

“Ndinogara ndichirwadziwa netsinga dzemuviri, kuita pfari, kunetseka nekufema pamwe nekurasikirwa nendangariro zvichitevera kuwanda kuri kuita mvura iri kupinda munzvimbo dzine uropi. Pamwe pacho ndinokundikana kuona zvakanaka kana kutaura. Muna2021, ndakabviswa ma’Fibroids’ ainge ane huremu hwe3.5 kg saka kubva gore rapera, ndiri kungorasikirwa neropa remumuviri zvinoita kuti ndigare ndiri muchipatara nguva nenguva. Ndiri kuchema kune ruzhinji rweZimbabwe kuti kudai ndakwanisa kuvhiiwa ndirarame hupenyu huri nani sevamwe nekuti  utano ndihwo hwakakosha,” anodaro.

Vangada kuziva rungano rwaMarufu rwuzere vanokwanisa kuenda pamasai-sai anoti: https://caroldonationfund.my.canva.site

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *