Batsirai mwana akazvarwa asina sikarudzi

Fungai Lupande

MUSHURE memakore mana bepanhau reKwayedza ratanga kuburitsa nyaya inosuwisa yemwana, Junior Nyakudya (4), wemubhuku raNyakudya kuBindura, uyo akaberekwa asina sikarudzi, vabereki vake vari kutsvaga rubatsiro rweUS$10 000 yekuti aende kunovhiiwa kunyika yeIndia sezvo ari kurwara zvakanyanya.

Junior akaberekwa aine dambudziko risingawanzoitika, anoshandisa kunobuda netsvina pakuita weti zvekare kubva paakabarwa.

Vanoda kubatsira vanogona kubata mhuri yekwaNyakudya panhamba dzinoti 0789 414 066.

Pari zvino Junior ari kurwadziwa zvakanyanya nedumbu rakazvimba nekuda kwemarwadzo ari kuitika mukati menyama dzake.

Chirwere chake chatonyanya kuipa uye vanachiremba vemuZimbabwe vakabatsira mhuri iyi nekutsvaga nyanzvi dzekuIndia nekudaro pari kudiwa US$10 000 yekuti mwana uyu ende kunovhiiwa.

Amai vake, Mai Lydia Makisi (41), vanoratidza kurwadziwa kukuru apo mhuri yavo iri kungotarisa utano hwaJunior huchidzikira zuva nezuva asi vasina chekuita.

“Junior dumbu rake rave kugara rakazvimba uye ari kurwadziwa zvakanyanya. Haachakwanisa kuita tsvina kwemazuva akati kuti zvekuti tinotogara takananga naye kukiriniki,” vanodaro.

Ongororo yakaitwa navanachiremba pakutanga  yakaratidza kuti Junior mukomana.

“Madhokotera vakati tiende kuchipatara chiri kuIndia icho chinogona kuvhiya mwana asi vakati panodiwa US$10 000,” vanodaro baba vake, VaRemigio Nyakudya (49).

“Tiri kukumbira kune vane tsitsi vari munyika nekunze, vemachechi nevemabhizimisi kuti vatibatsire kupa mwanakomana wedu mukana wehupenyu.”

Mai Makisi vanoti vanachiremba vakavaudza kuti kuvakwa kwenhengo yesikarudzi yemwana wavo kunoda kumirira kusvika ava nemakore 17 kana 18 okuberekwa.

Junior anotsanangurwa semukomana anofara, akangwara uye anoshuvira kuenda kuchikoro. Asi, zuva nezuva riri kudarika asati awana rubatsiro apo utano hwake huri kudzikira zvakanyanya.

“Tinoda kuti ararame hupenyu hwakanaka, atambe nevamwe vana uye ave nechiremerera. Asi zuva rega- rega rinopfuura asina kuvhiyiwa rinoisa hupenyu hwake panjodzi huru,”  vanodaro Mai Makisi.

 

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×