Murume otengesa chitunha cherusvava achiti i’beef’

Zvikomborero Parafini

MUTONGI wedare reHarare Magistrates’ Court, Tapiwa Kuhudzai, vakati murume wemuHarare – Stanley Marecha – uyo akanhonga mutumbi werusvava uye ndokuzama kuutengesa achiti inyama yemombe, aende kunovhenekwa njere dzake.

Marecha haana pekugara pakati tsvetere uye aitengesa mutumbi uyu muguta reHarare.

Zvinonzi nomusi weChishanu chadarika munguva yeusiku panosangana mugwagwa Rezende naSpeke Avenue, Marecha akaenda kuna Blessed Paradza akabata pepabhegi yepurasitiki hombe yeruvara rwutema.

Marecha akaudza Paradza kuti aitengesa nyama yemombe.

Paradza akamuti avhure aone nyama yacho ndipo paakaona kuti chainge chiri chitunha chemwana mucheche achibva anomhan’ara kumapurisa zvakaita kuti murume uyu asungwe.

Mutumbi uyu wakabva waendeswa kumochari yeParirenyatwa Group of Hospitals uko wakuchengetedzwa apo kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Marecha ari kutarisirwa kudzoka kudare nomusi wa18 Chikunguru mushure mekuvhenekwa kwake njere nemachiremba matatu.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *