Solomon Bhumu
MUTUMBI wemurume akarohwa nevarume vanomwe vachimupomera mhosva yekuba madhongi avo wakawanikwa wave kutowora uri mumba make kwaSabhuku Mashakwari kwaMambo Musikavanhu, kuChipinge.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi vachiti mushakabvu ndiNavela Matoro.
Vanoti mapurisa akasunga vanhu vatatu vanoti Trimore Sigauke, Simbarashe Sigauke naErnest Sithole uye vamwe vana (4) vachiri kutsvagwa nekuda kwemhosva yekuponda.
Sekutaura kwemapurisa, nemusi wa21 Chikumi gore rino nenguva dza8 mangwanani, varume vanomwe ava vakaenda kumba kwaMatoro vachimupomera mhosva yekuba madhongi avo.
Pavakatadza kumuwana pamba, vakabva vamutevera kumunda kwaaishanda ari ega.
“Varume vanomwe ava vakamutevera kumunda uko vakamuwana ari ega ndokumusunga mawoko uye vachichinjana kumurova nemaoko.
“Mushure mekumurova, vakazoenda naye kwasabhuku, VaMwanyisa, kunomhan’ara nyaya iyi ndokuzomuregedza,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.
Zuva rimwe chetero, Matoro anonzi akashanyira baba vake ndokuvaudza nezvekurohwa uko ainge aitwa. Akazodzokera kumba kwaaigara ega.
Nemusi weSvondo wadarika, muvakidzani wake, Tatenda Mutetwa, (29), akanzwa munhuwi waibva muimba yairara Matoro uye paakaenda kunoongorora, akaona nhunzi dzakamomotera pagonhi ndokubva azivisa sabhuku wavo.
Pavakapinda mumba, vakawana mutumbi waMatoro wave kutowora.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuChisumbanje ayo akabva atanga kuferefeta.
Mutumbi uyu waive namavanga kumeso, pagokora, panzeve yekuruboshwe nekumusana.
Wakazoendeswa kumochari yechipatara cheSt Peter’s Hospital kunoongororwa.




