Batsirai Ropafadzo aendewo kuchikoro

Muchaneta Chimuka

MWANA ane makore masere ekuberekwa, uyo akazvarwa akaremara makumbo ake izvo zvinoita kuti afambe achikambaira, ari kutsvaga rubatsiro rwemari yechikoro, wiricheya uye zvimwe zvinodiwa mudzidzo kuti akwanise kutanga Giredhi 1.

Ropafadzo

Ropafadzo Kuzvida wekuDema, kwaSeke, anoti angafara zvikuru kana akawaniswa mukana wekuti aende kuchikoro.

“Ndinoda kuenda kuchikoro sevamwe, asi handina mari yechikoro uye mabhuku acho saka ndinokumbirawo rubatsiro,” anodaro.

Amai vake, Patience Nyamurumo (29), vanoti mwana wavo akazvarwa akaremara makumbo asi zvimwe zvose, kusanganisira njere dzake, zvinoshanda zvakanaka zvekuti ane mukana wekuzobudirira muupenyu kana akatsigirwa munyaya dzedzidzo.

“Dambudziko guru nderekuti ndakashaikirwa nemurume munaMbudzi gore richangodarika iri anova ainditsigira mune zvose. Ndakasiiwa ndiine vanasikana vaviri vanosanganisira sisi vaRopafadzo vane makore 11.

“Kudai mwana wangu awanirwawo wiricheya, mari yechikoro nezvinodiwa mudzidzo yake, ndingafara zvikuru. Ndiri murwendo kuenda kubazi rezvedzidzo kuti vanoita ongororo yekuti angaendeswa kuchikoro chakaita sei zvichienderana nekuremara kwaakaita sezvakataurwa nevezvikoro zvandaitsvaga nzvimbo kuti panofanira kutangwa paitwa ongororo pamwana,” vanodaro.

Vangada kubatsira mwana uyu  kuti akwanise kuenda kuchikoro vanogona kuchaya nhare kana kutumira mari panhare dzinoti 0771 193 969 idzo dzinoburitsa zita rekuti Brighton Kuzvida.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×