‘Vakafirwa musangogara, itaiwo tumabhindauko’

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinomiririra madzimai nevarume vakafirwa nevadikani vavo uye vakarambwa kana kuti vasina kumbopinda muwanano zvachose pamwe nenherera, reZimbabwe Widows, Widowers and Opharns Trust, riri kukurudzira vanhu ava kuti vasagarire maoko, asi kuti vaite mabhidhauko anovararamisa.

Izvi zvakabuda pagungano reSingle Women’s Conference rakaitwa kuHarare Gardens, muguta reHarare, nguva pfupi yadarika.

Vachitaura pagungano iri, Mai Judith Mupudzi (57) vanove shirikadzi vanoti shirikadzi hadzifanire kungogarira maoko dzichimirira kurarama nekupemha.

“Sangano iri rava nemakore matatu richishanda zviri pamutemo richitsigirwa neMaster of High Court nekuti sechirikadzi netsvimborume, tinosangana nematambudziko ekutorerwa midziyo iyo tinenge takashandira yakadai sedzimba, mota, minda nemabhizimisi pakati pezvimwe.

“Master of High Court vanotibatsira kuti tikwanise kuwana midziyo iyoyo pasina kumbunyikidza uye kutitsvagira magweta anotimiririra,” vanodaro.

Mai Mupudzi vanoenderera mberi vachiti, “Asika, hazvirevi kuti kana munhu uchinge wafirwa otopeta maoko ogara achichema nhamo, kwete. Tine mabhindauko akawanda atinoita anosanganisira kurima miriwo tichitengesa, tinogadzira mafuta ekuzora, makenduru, kuruka mabhasikiti, kusona mbatya, kubika nezvimwe.”

Vanoti vanoita zvekare mikando yekupanana mari dzinotenderera zvinova zvinobatsira kuti mabhindauko avo arambe achienderera mberi.

“Taimboda kutora mari dzechikwereti kumabhengi asi takashaya zvibatiso zvaidiwa sedzimba dziri mumazita edu zvichitevera nyaya dzekumbunyikidzwa tichitorerwa dzimba nehama dzevarume. Saka takaona zvakakosha kuti tiite mikando yedu inova nzira yekubhenga nayo mari. Tine nherera dzatinobatsira zvekare tichidzibhadharira mari dzechikoro,” vanodaro.

Mai Faith Pemba (61) vekuKuwadzana, muHarare vanochema nenyaya yekudhurirwa nezvekushandisa mukugadzira mafuta.

“Tinodawo rutsigiro rwemari kana rwezvekushandisa mumabhindauko edu ekugadzira mafuta nekuti zvava kudhura zvakanyanya. Mabasa emaoko akanaka zvikuru nekuti anotivaraidza, seshirikadzi hatizofungi zvinhu zvakawanda zvinotimutsira maBp nekuti nguva zhinji tinenge tiri pabasa,” vanodaro.

Shirikadzi netsvimborume dziri kukumbira kuti Hurumende itarise nhunha dzavo pamwe nekuvatsigira sezvo vari vanhu vari mumupanda wevanotambura muupenyu.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×