Tete nemuroora makuhwa!

Lizzy Mushoriwa
TETE nemuroora vakamisidzana mudare redzimhosva vachiti vaparadzaniswa nekuda kwekuitirana makuhwa, izvo zvaita kuti vasade kuonana zvachose.

Melody Albino akadhonzera mudzimai wehanzvadzi yake Rachel Kadembe kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza nekumutuka.

“Changamire, ndauya pano nemuroora wangu uyu nekuti ndashaya mufaro pamusana pake. Anoterera makuhwa, otouya kuzondituka achindishaudha pazere vanhu.  “Handidi kuti auye kumba kwangu nekuti tinogara pedyo napedyo uye handichada kutaura naye. Anouya achipopota achiti ndinomunyeya asi zviri zvekunyepa,” anodaro Albino. Achipawo divi rake, Kadembe anopikisana nechikumbiro chatete vake.

“Ndinopikisana nechikumbiro chavo nekuti ndivo vanotanga kudenha. Vanoita makuhwa pamusoro pangu, ndanzwa nekunyeiwa navo neshamwari dzavo. Ndokusaka ini ndichizovabvunza, ndinenge ndichida kunzwa chokwadi,” anodaro Kadembe. Albino anobva amugamha achiti anonyepa. “Vanonyepa amai ava, aitombogara pamba pangu asi ndakamudzingira hunhu hwake hwekungoterera zvinhu zvisina maturo. Ndinoda gwaro rerunyararo nekuti ndaneta naye,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Albino gwaro rerunyararo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×