Brazil, Spain zvine mukana

APO mutambo weFIFA World Cup Brazil 2014 waswedera, vatsigiri vazhinji venhabvu vari kuti zvikwata zvinoti Brazil neSpain,  iyo ine mukombe uyu parizvino, ndizvo zvine mukana mukuru wekuhwina gore rino.
Makwishu aya ari kutanga musi wa12 Chikumi.

Zvakadaro, tsvakiridzo yakaitwa neKwayedza inotaridza kuti pazvikwata zvemuAfrica, Nigeria, Ivory Coast pamwe neGhana ndizvo zvichagona kunodadisa kumutambo uyu.

Nigeria yakaiswa muGroup F umo ichasangana nezvikwata zvinoti Iran, Bosnia and Herzegovina iyo inotambirwa naEdin Dzeko weManchester City pamwe neArgentina inotambirwa nevatambi vane mukurumbira vakaita Lionel Messi weBarcelona, Gonzalo Higuain weNapoli, Sergio Aguero weManchester City pamwe neAngel Di Maria weReal Madrid.

Mutsigiri mukuru wenhabvu Chris ‘Romario’ Musekiwa anoti Nigeria ine vatambi vanodadisa chaizvo uye murairidzi wayo Stephen Keshi inyanzvi pakurairidza mutambo uyu.

Maziso evazhinji achange ari pavatambi vanoti John Obi Mikel, Victor Moses, Emmanuel Emenike, Shola Ameobi pamwe naBabatunde Michael avo vanotambira maSuper Eagles ekuNigeria.

“Nigeria ine chikwata chakasimba chinogona zvikuru uye ndinoiona ichinovhundutsa chaizvo kumutambo uyu.

“Nigeria yakadira mari muchikwata ichi kuti murairidzi wacho Keshi aite basa rake akwanise kuruka chikwata chakasimba chinohwina.

“Saka ini hangu ndoiona ichidadisa kumutambo uyu. Masangano enhabvu ekunyika iyi ini vakandidana kuti tibatane tiende tese kumutambo uyu ndinovabatsira kunotsigira nyika yavo kuti ihwine mutambo uyu,” akadaro Musekiwa.

Shasha yekuongorora nhabvu ine mukurumbira Charles ‘CNN’ Mabika akati ari kuona chikwata cheNigeria chichisvika kumaquarter-finals eWorld Cup.

Mabika anoti maziso mazhinji pamutambo uyu, uyo uri kutambirwa kuBrazil, achange ari pazvikwata zvinoti Brazil neSpain asi zvimwe zvakaita seBelgium zvichashamisa vanhu vazhinji sezvichaitwa neNigeria. — AFP.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×