Hatifanirwe kudyiwa: Mugadza

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Rosemary Mugadza, anoti chikwata chake chine gomo guru rekukwira svondo rino apo chiri kusangana neShepolopolo yekuZambia mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kuAFCON Women’s Tournment kuAngola gore rino.

Mumutambo wekutanga wakatambirwa muno masvondo adarika kunhandare yeRufaro, maMighty Warriors akakundwa 1-0 izvo zvakashamisa vatsigiri vazhinji.

Kukundwa kwakaitwa maMighty Warriors pamusha kunoreva kuti svondo rino anotofanirwa kurwa amire mumutambo uyu. Kuti maMighty Warriors abudirire kuenda kuAFCON iyo ichatambirwa kuNamibia, anofanirwa kukunda Zambia 2-0 iwo asinganwiswewo.

Asi Shepolopolo ikanwisa chete zvinobva zvaomesera maMighty Warriors ayo anenge ave kufanirwa kunwisa katatu kuti ahwine.

“Tiri kuda chaizvo kuhwina svondo rino nekuti vatambi  vakashanda nesimba kuti vasvike pavari.

“Hazvisi nyore asi ticharwa nepatinogona kuti tiende kuZambia kunohwina.

“Tikakundwa chete ndinoona zvisingatifambire kana morari yechikwata chedu inobva yadzikira nekuti munhu wese ari kushanda nesimba kuti tihwine tigonokwikwidza kuAFCON.

“Ndinoziva kuti takadzikama tichapinda mumutambo uyu tichitsvaga kuhwina chete kwete zvimwe zvakawanda,” akadaro Mugadza. “Ndinoona sekunge zviri nyore tikanotambira kuZambia pane kutambira muno.

“Kutambira pamberi pevatsigiri venyu kunonetsa sezvo munenge muchipihwa mutoro wakanyanya nevatsigiri, saka ndinoona kuti mutambo uyu uchange uri nyore kutamba.

“Asi kuti tihwine tinofanirwa kutamba nhabvu yemandorokwati,” akadaro Mugadza. Zvakadaro, nyika yese yave kuisa tariro yayo  kumaMighty Warriors zvichitevera kukundwa kwakaitwa chikwata chevarume chemaWarriors neTanzania svondo rapera.

MaWarriors akarwadzisa mwoyo yevatsigiri vazhinji venhabvu avo vaitarisira kuti ahwinhe agoenda kunokwikwidza kuAFCON 2015  kuMorocco. — BBC.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×