bumbiro idzva redzidzo – Pfungwa dzakatakura hwaro hwebumbiro idzva redzidzo 1

naChiremba

ZVAKAKOSHA kuziva pfungwa huru dzinosunda kudzumbunurwa kwebumbiro idzva redzidzo.

Bumbiro idzva rakagukuchira zvizhinji izvo vanhu vakuru vemuZimbabwe vanoshuwira kuti dai zvagamuchidzwa vadiki vedu kuitira kuti rudzi rwedu nenyika yedu zvigoenderera mberi zvakarurama. Mbuva yemusiiranwa nemutambidzanwa iyi inosanganisira zivo yepfungwa, ruzivo rwemabasa emaoko uye zivo yezvinhu zvinonzi nevanhu ndizvo chaizvo zvakanaka uye zvinofanirwa kuitwa muupenyu nemunhu wese.

Chimwe chinhu chitsva chakafanira kuitwa nedzidzo itsva kurodza unyanzvi uye njere dzevana pakudzidza kwavo uyewo kuvandudza zvinhu zvingafarirwe nevana pakudzidza kwavo.

Bumbiro idzva redzidzo rinopa mukana wekugadzirisa nekutseketudza zvinenge zvaonekwa kuti hazvina kunyatsa kuti guga guga nedonzo redzidzo iyi uye vavariro yenyika.

Chiiko chakasunda kuvepo kwedzidzo itsva iyi?

Pane zvinhu zvingani zvakasunda kuvepo kweurongwa hutsva hwedzidzo iyi. Chekutanga muono wakaitwa nevanogadzira mitemo yemafambisirwo edzidzo uye magodobori ezvedzidzo kuti vana veZimbabwe vaifanirwa kuwana dzidzo inovagadzirira zvakakwana kuti vatarisane vagokunda muupenyu hwemakore emazuva ano.

Nekune rimwe divi jekerere reZimbabwe rakaitawo muono mumwe chete: mhando yedzidzo yedu yakanga yasara shure asi upenyu hwevanhu hwava mberi mune zvakasiyana-siyana. Pakanga pave nefaniro yekuti dzidzo yedu ivandudzwe kuti iti kweche kweche nechokwadi chinoitika muupenyu, mumaindhasitiri edu uye mukutengeserana.

Pedzisire, dzidzo yedu yanga yasara shure kana ichienzaniswa nedzidzo zhinji pasi rino.

Dare raVaNziramasanga (CIET 1999) rakaona kuti dzidzo yeZimbabwe kubvira nguva yevaRungu yanga yakanangana nekungoti mwana angove neruzivo rushoma chete mumusoro make rwekuti angoshandire mumwe. Dzidzo itsva iyi inotora zvaive mune yekare, yowedzera zvizhinji uye yopa mudzidzi mukana wekudzidza kushandisa zvaadzidza muupenyu hwake nekuitawo tunhu twake.

Muchikamu chinotevera tichatarisa dzimwe pfungwa dzakatakura hwaro hwedzidzo itsva.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *